1 Vakorinde 13 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rudo

1Kunyange zvangu ndikataura nendimi dzavanhu kana dzavatumwa asi ini ndisina rudo ndinongova dare rinorira kana makwakwakwa esimbi anorira.

2Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri.

3Kunyange dai ndikagovera zvose zvandinazvo uye kunyange ndikapa muviri wangu kuti upiswe asi ndisina rudo hapana chandinowana.

4Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa;

rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi.

5Haruiti zvisina hunhu.

Rudo harungongwarira zvarwo bedzi;

rudo harungoshatirwa shatirwa nhando,

haruna pfundepfunde.

6Rudo harufariri zvisakarurama

asi runofarira zviri pachokwadi.

7Rudo runotakura zvose.

Runoramba ruine chitendero.

Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo

runotirira zvose.

8Rudo harumboperi.

Kuporofita kuchapera;

kutaura nendimi kuchaguma.

Ruzivo ruchapfuura,

9nokuti ruzivo rwedu haruna kuzara.

Kuporofita kwedu hakuna kuzara.

10Zvino kana chakazara chouya,

chisina kuzara chiya chinobva chapera basa.

11Pandakanga ndichiri mwana muduku ndaitaura somwana muduku; ndaifunga somwana mudiki ndairangarira somwana muduku asi pandakazova murume mukuru ndakakanda pasi zvohwana huduku.

12Pari zvino tinoona muchiringiriro zvamadzerere. Asi mune ramangwana tichaonanazve uso nouso. Iye zvino ndinoziva zvishoma asi mune ramangwana ndichanyatsoziva sokunyatsozivikanwa kwandakaitwa.

13Saka chitendero nechitarisiro norudo zviripo zviri zvitatu, asi chikuru chazvo rudo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help