Isaya 27 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Pazuva iroro Tenzi acharanga zigaranyanya nebakatwa rake rakaoma guru rakasimba, iro zinyoka rokutiza, zigaranyanya, zinyoka rinozvongonyoka, achaurayawo zigaranyanya romugungwa.

2Pazuva iroro Tenzi achataura

nezvemunda wake wamagirepisi achiti

uimbirei muchiti,

3“Ini Tenzi ndini muchengeti wawo

ndinoudiridzira nguva dzose.

Kuitira kuti pasave naanouparadza

ndinouchengetedza siku nesikati.

4Hasha aiwa handichisina.

Dai kuri kuti pane minzwa norukato

zvandinofanira kuita hondo nazvo,

ndaitosimuka ndikarwisana nazvo,

ndaizviti unga unga ndizvipise.

5Kana vachida kudzivirirwa neni

ngavayanane neni.”

Kuregerwa nokurangwa

6Mune ramangwana

Jakobho achadzika midzi,

Isiraeri ichatumbuka

igoita nhungirwa

igozadza pasi pose namapudzi.

7Ko akamboirova here

sokurova kwaakaita,

vakamboirova?

VaIsiraeri vakambourayiwa here

sokuurayiwa kwakaitwa

vakambovauraya?

8Makavaitira zvine mwero

nokumbovaita kuti vatapwe

maitira kuti vafunge

akavabvisa aviruka kwazvo nehasha

pazuva remhepo yokumabvazuva.

9Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho

chichazoregererwa,

izvozvi ndouchava mubayiro

wokuregererwa kwechitadzo chavo.

Paachaita kuti mabwe ose eatari

abhwadutsirwe pasi somunyakwe

somunyakwe kuti mwarara,

hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera

kana atari dzorusenzi

dzichasara dzimire;

10nokuti guta retsvingo

rangosara rava roga roga

somusha wakasiyiwa wakaramwiwa,

serenje chairo

mava kutofura zvamo mhuru

ichitorara zvayo pasi

ichitokwazwura zvayo mapazi aro.

11Kana mapazi aro anooma otyoka

vakadzi vanouya vozoakuhwidzisa moto.

Pamusana pokuti vanhu ivava

vanhu vasina pfungwa,

naizvozvo iye akavasika

haazovanzwira tsitsi

iye wacho akavaumba

haambovaitira mwoyochena.

12Pamusi iwoyo kubvira kuRwizi rweYufuratesi kusvikira kuKakova keIjipiti, Tenzi achapfuura achikunongererai mumwe nomumwe imi vanhu veIsiraeri.

13Zvino nezuva iroro kucharidzwa zibhosvo guruguru. Vanhu vakanga vateterekera munyika yeAsiria navakanga vambodzingwa munyika yeIjipiti, vachauya kuzopfugamira Tenzi pagomo rinoera muJerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help