Ezira 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Chirevo chakanyorwa naMambo Sairosi chakawanikwa

1Mambo Dhariusi akabva azopawo chirevo, kukatsvakwa muBhabhironi mumba mokuchengetera zvinyorwa macho makanga machengeterwa zvinyorwa izvozvo.

2Zvakazowanika muEkibhatana guta guru renyika yeMedhia bhuku rokumunonora pakanga pakanyorwa kunzi,

“Chiyeuchidzo!

3Mugore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairosi

akatema chirevo chakanangana nezvemba yaMwari

iri kuJerusaremu.

Imba iyoyo ngaivakwe zvakare,

nzvimbo yokupirira zvibayiro kuna Mwari

kunounzwawo mipiro yokupisa.

Kureba kuenda mudenga

makumi maviri amamita anamamita manomwe,

kufara kwayo kuchiita mamita makumi maviri

anamamita manomwe.

4Inofanira kuva nemitsara inoravana ichiti

mitsara mitatu yamabwe makuru yoteverwa

nomutsara mumwechete wamapango.

Mari inodiwa ikoko

inofanira kubva munochengeterwa upfumi hwamambo.

5Pamusoro paizvozvo

midziyo yendarama neyesirivha yomumba maMwari

iya yakambotorwa naNebhukadhineza muTemberi iri kuJerusaremu

ikaendeswa kuBhabhironi

inofanira kudzoserwa iendeswe kwakare kutemberi

iri Jerusaremu mumwe nomumwe

panzvimbo pawaiva muirongedze mumba yaMwari imomo.”

Chirevo chaMambo Dhariusi chokuti basa rienderere mberi

6“Zvino imi vana Tatenai,

zisadunhu renyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi

naShetaribhozenai navamwe venyu

masadunhu echikwata chenyu muri kunyika iri Mhiri

kweRwizi rwaYufuratesi,

siyanai nazvo.

7Zvebasa remba yaMwari izvo siyanai nazvo.

Regai sadunhu wavaJudha

navakuru vakuru vavaJudha vavake zvakare

imba yaMwari payaiva.

8Chimwe ndechokuti

ndatotema chirevo chezvinofanira

kuitirwa vakuru vakuru vavaJudha

maererano nokuvakwazve kwemba yaMwari

chokuti mari yacho inodiwapo

inofanira kubhadharwa varume ivava yose zvayo yakadaro

pasina zvokunonoka ichibva

kumari yokwamambo pamutero

wenyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi.

9Chose zvacho chinenge chichizodiwa

sezvakaita handira dzichiri duku

nehondohwe kana hwai dzemipiro

yokupisira Mwari Wedenga

kunyange koroni nomunyu newaini

kana mafuta eorivhi,

zvichadiwa zvacho navapristi kuJerusaremu;

izvozvi izvi vanofanira kuti vapiwe

zuva nezuva pasina zvokukundikana,

10kuitira kuti vapire zvibayiro

zvinofadza Mwari Wedenga,

vagonamatirawo upenyu hwamambo nohwevana vake.

11Ndatotemazve chimwe chirevo chokuti:

Kuwana anongosandura chirevo ichochi, pamba pake

ngapavhomorwe bango apaikirwe pariri,

imba yake iitwe murwi wamarara.

12Iye Mwari akaita kuti zita rake

riiswe ipapo ngaaparadze mambo kana vanhu vanenge vane

chavangaite kusandura izvi kana kuparadza

imba yaMwari iri muJerusaremu.

Izvozvi ngazvinyatsoitwa nomazvo chaimo.

Chirevo ichochi chatemwa neni.

Ndini Dhariusi.”

Kuteketererwa kweTemberi kuna Mwari

13Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi.

14Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya.

15Imba iyoyi yakapedzeswa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, muri mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariusi.

16Vanhu veIsiraeri, vapristi nevaRevhi navamwe vose vokudzoka kuutapwa, vakaita zuva guru rokuteketerera kuna Mwari imba yaMwari iyi vachipembera kufara.

17Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri.

18Vakabvawo varonga vapristi muzvikwata zvavo, vaRevhiwo namajana kuitira basa raMwari muJerusaremu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi.

Vokudzoka vaye vokumbotamisirwa kusiri kwavo vanochengeta Pasika

19Pazuva regumi nechina romwedzi wokutanga, vokudzoka vaye vokumbenge vatamiswa vachiendeswa kusiri kwavo vakachengeta Pasika

20nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi.

21Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri.

22Vakachengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe vachifara nokuti Tenzi akanga avafadza kwazvo aitawo kuti mambo weAsiria apinduke mwoyo, uve kwavari avabatsire basa remba yaMwari, Mwari weIsiraeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help