Isaya 60 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mukurumbira weJerusaremu ramangwana

1Chisimuka uti ngwe-e kuvheneka

nokuti chiedza chako chasvika

uye mbiri yaTenzi

yapenya pamusoro pako

2nokuti tarisa uone

nyika ichanzi kwidiba nerima,

vanhu vachanzi nezarima gude gude.

Asi pauri

Tenzi achanyatsoti ngwe-e,

mbiri yake ichaonekwa pauri.

3Vechirudzi vachauya kuchiedza chako,

madzimambo achauya

kuchiedza chako

chinenge chasimuka.

4Simudzai musoro

mutarise uku nokuku muone,

vose vari kuunganidzana

vari kuuya kwauri,

vanakomana vako

vari kuuya vachibva kure,

vanasikana vako

vakaita zvokutakurwa mumaoko.

5Ipapo uchazviona

ugomwekuma kufara,

mwoyo usingagoni nokufara

nokuti upfumi hwose hwegungwa

hunenge hwonanga kwauri

upfumi hwevechirudzi

huchauya kwamuri.

6Mauri muchava nebvakapfaka renghamera,

nghamera dzichine simba

dzokuMidhiani nokuEfa

nedzose dzinobva kuShebha

dzichakotonoka.

Dzichauya nendarama norusenzi,

dzichadhumisa mbiri yaTenzi.

7Matanga ese ezvipfuwo zvokuKedhari

achakurumukira kwauri,

hondohwe dzokwaNebhaoti

ndodzichava dzebasa rokupira kwako.

Dzichave dzinogamuchirika

paatari yangu,

ndichapa mbiri

kuimba yangu

inomukurumbira.

8Ko avo ndivanaani avo

vanopepera sekaguti,

sehangaiwa dzananga pamusuo padzo?

9Ndinodaro nokuti nyika

dzokumahombekombe kwegungwa uku

dzichandishandira,

kutanga nengarava dzokuTashishi

dzichiuya navana vako

dzichibva navo kure kure

vakatakura sirivha yavo nendarama

zvokurumbidza nazvo

zita raTenzi, Mwari wako,

iye Anoera weIsiraeri

nokuti akakupa mukurumbira.

10Vatorwa zvavo

ndovachakuvakira tsvingo dzako,

madzimambo avo ivo

ndoanenge otokushandira iwe.

Ndakakuranga

pamusana pokushatirwa

kwandakanga ndaita,

asi zvino pamusana pemwoyochena wangu

ndava kukuitira tsiye nyoro.

11Misuo mikuru yako

ichangogara yakazaruka siku nesikati,

kuzarirwa isingazarirwi

kuitira kuuya kunenge kuchiita vanhu

kwauri noupfumi hwevechirudzi,

vachitungamirirwa namadzimambo avo.

12Zvichavepo ndezvokuti

rudzi kana nyika

inenge isingakushandirei ichaparara,

marudzi iwayo achanyatsotsakatiswa.

13Mbiri yacho yeRebhanoni inoti:

misaipurasi nemipureni nemipaini

iyoyo, ichauya kwauri

kuzoshongedza pamana pangu

paNzvimbo yangu Inoera

ndichiita kuti

mandinotsika ini netsoka dzangu

mukurumbire.

14Vana vavaikudzvinyirira

vachauya kwauri

vachisvikoti pasi kota kota,

vose zvavo vaikushorai

vachasvikoti pasi gwadagwa

patsoka dzako.

Vachakutumidzai zita rokuti,

Guta raTenzi,

Guta reZioni raiye Anoera weIsiraeri.

15Wakanga wafuratirwa uchivengwa

pasisina kana neachadimura namauri,

zvino ndichakuita guta

rino mukurumbira narini narini

richange riri rinofadza

pachizvarwa nechizvarwa.

16Uchayamwa mukaka wevechirudzi

uchayamwa mazamu amadzimambo

ndopauchaziva kuti

ini Tenzi, ndini Muponesi wako,

iye Mununuri wako

iye Samasimbaose waJakobho.

17Ndichakuigira ndarama

panzvimbo pendarira

ndichikuigira sirivha

panzvimbo pesimbi

panzvimbo pamapango, ndarira

panzvimbo pamabwe, simbi.

Rugare ndorwandichaita kuti

ruve somutariri wako,

ururami hurihwo

mushandisi wako pabasa.

18Manyongori haachazombonzwikizve

munyika mako.

Umharadzi nokuparadza kwose

hazvichazombonzwikizve

munyika yakatenderedzwa

nemiganhu yako.

Tsvingo dzako uchadzitumidza

zita rokuti Ruponeso,

misuo mikuru yako

zita rokuti Kurumbidza.

19Chichakuvhenekera masikati

harisi zuva

nechichakuvhenekera usiku

unenge usisiri mwedzi,

asi kuti ini Tenzi

ndini ndichava chiedza chako

narini wose.

Ini Mwari wako

ndini ndichava mbiri yako.

20Kwauri iwe

zuva harizombodoka

kana iwo mwedzi kwauri iwe

hauchazombonyura

nokuti ini Tenzi

ndini ndichakuvhenekera

narini wose.

Mazuva ako okuchema

achabva apera.

21Vanhu vako vose zvavo

vachave vakarurama,

nyika ichava yavo nokusingaperi,

ivo bukira rangu

randakasima namaoko angu

kuti ndigorumbidzwa.

22Mudikidiki pavari

ndichaita kuti ave dzinza chairo,

mudukuduku pavari

achiva rudzi rwavanhu rukuru.

Ndini Tenzi,

panguva yayo

ndichakurumidza kuzviita.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help