2 Madzimambo 22 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

C: JOSIYA NOKUGADZIRIDZA KWAAKAITA UPENYU HWEZVOKUNAMATAKuwanikwa kwebhuku roMutemo(2 Nhor 34:1–2)

1Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakumi matatu amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya wokuBhozikati.

2Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Mune zvose akatevedza gwara raDhavhidhi tateguru wake. Haana kutsaukira uku kana uku.

Kuwanika kwakaitwa bhuku romutemo(2 Nhor 34:8–28)

3Mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, mambo iyeyu akatuma samunyori mukuru Shafani mwanakomana waAzariya mwanakomana waMeshuramu kumba yaTenzi achiti,

4“Chienda kumupristi mukuru Hirikiya averenge mari yakaunzwa mumba yaTenzi yakaunganidzwa navachengetedzi vokumusuo yakabviswa navanhu.

5Ngaiiswe mumaoko evashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi, ivo vaitambirise vashandi vari kumba yaTenzi vari kugadzira imba iyoyo,

6vavezi navavaki novokuvaka namatombo nokutengawo mapuranga namatombo akakwakwanurwa kuti imba yacho igadzirwe.

7Asi pamari iyoyo inenge yaiswa mumaoko avo havafanire kuzobvunzurudzwa nokuti ivo vanhu vakavimbika.”

8Mupristi mukuru Hirikiya akati kuna samunyori mukuru Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani akabva ariverenga.

9Samunyori mukuru Shafani akaenda kundotaurira mambo achiti, “Varanda venyu vakadurura mari yaiva muTemberi vakaiisa mumaoko avashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi.”

10Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Hirikiya mupristi andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo.

11Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mubhuku romutemo akabvarura hanzu dzake neshungu.

12Mambo akaudza mupristi Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAkibhori mwanakomana waMikaya nasamunyori mukuru Shafani naAsiya gurukota ramambo kuti,

13“Endai mundotibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu, nevokwaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti hasha dzaTenzi dzatakamutsirwa dzakakura, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuteerera zvakanyorwa mubhuku iri kuti vaite maererano nazvose zvatakanyorerwa.”

14Naizvozvo mupristi Hirikiya naAhikamu naAkibhori naShafani naAsaiya vakaenda kumuporofita Huridha mudzimai waSharumu mwanakomana waTikivha mwanakomana waHarinhasi, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye.

15Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Udza munhu akutumira kwandiri kuti,

16zvanzi naTenzi, chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, sokunyorwa kwose kwakaitwa mubhuku rakaverengwa namambo wokwaJudha.

17Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo hasha dzangu dzichamukira nzvimbo ino dzisingazopodzwi.

18Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo, pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako

19ukazvirerekawo pana Tenzi, pamakanzwa zvandakataura zvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo kuti ichava renje nenzvimbo yakarengererwa rushambwa. Wakabvarura hanzu dzako ukachema pandiri, uye Tenzi anoti, chichemo chako ndakachinzwa.

20Naizvozvo ndichakuendesa kwakaenda vamwe madzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino, iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help