Jobhu 12 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mhinduro yaJobhu kuna Zofa.Ini ndiri chiseko zvacho chenyika

1Jobhu akapindurawo achiti,

2“Ichokwadi kuti imika ndimi vanhu

uye kuti pamunongofa,

ungwaru ndipowo pahunobva hwatoparara.

3Asi ndine njerewo sezvamakangoitawo imi.

Ini handisi pasi kwamuri.

Asingazivi zvinhu zvakadai ndiani?

4Ndiri chiseko zvacho chenyika kushamwari dzangu

ini ndaidanidzira kuna Mwari,

iye akatondipindura.

Iyeni mururami, munhu ari pachokwadi

ndini ndava chiseko zvacho chenyika.

5Kuna vagere zvavo zvakanaka,

vanotambura vaya, varombo zvawo vanoshoreka.

Anodzadzarika vanototi ngaasandidzirwe.

6Asi matendhe amakororo akagarika,

vanoshatirisa Mwari hapana chinovawana

vanotoita Mwari wokusevenzesa zvavo.

Mwari chete ndiye muridzi wezvinhu

7“Pamwe ungade zvako kubvunza mhuka dzinotokudzidzisa

kana kuti shiri dzedenga dzingatokutaurira,

8kana kuti utaure nezvinomera panyika

zvichakufundisa, kana kuti hove dzegungwa dzichakutsanangurira.

9Chii pakati pazvo chisingazivi kuti

ndiye Tenzi akazvisika?

10Upenyu hwechinhu chose chinofema huri mumaoko ake

uye upenyu hwavanhu vose.

11Handiti nzeve inogona kusianisa mazwi here

sezvinongoitawo mukanwa munogona

kusianisa chokudya nechokudya?

12Ungwaru huri muna vakura

kunzwisisa kunouya nokuendadzana kwenguva.

Maitiro aMwari kuvanhu unotoashairwa pawo

13“Asi Mwari ndiye ano ungwaru nesimba

ana mazano nokunzwisisa.

14Akapaza, hapana angavake

akazaririra munhu, hapana angazarure.

15Akamisa mvura, kunooma,

akaituma inoita murove.

16Iye ane simba noungwaru,

vanonyengedzwa navanyengedzi vacho vose ndevake.

17Anotorera makurukota ungwaru hwavo,

vatongi achivapazanisa musoro.

18Anosunungura zvakasungwa namadzimambo

achivasunga netambo muchiuno.

19Anotorera vapristi ungwaru,

vakuru vakuru achivabvisa pazvigaro.

20Anotorera mazano vanovimbwa navo,

vakuru vakuru achivatorera

kunyatsoona zvinhu nemazvo.

21Anonyadzisa machinda,

vana masimba anovatorera ukuru hwavo.

22Anoburitsa pachena zvakavandika zviri murima

achiita kuti rima riti ngwee nechiedza.

23Anosimudzira marudzi avanhu pamusoro achiaparadzazve,

anokudzakudza marudzi oamwararisa.

24Anopazamisa musoro

madzimambo avanhu venyika,

achivadzungaidza murenje risina nzira.

25Vanoputaira murima vasina mwenje,

achivaita kuti vadzadzarike somunhu araradza.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help