Tsumo 18 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Zindoga anotsvaka zvaanoda iye

anoshatiriswa namazano kwawo ose.

2Benzi harinei nokunzwisisa

charo kuda chete kutaura zvarinoda.

3Kana uipi hwouya,

zvinobva zvateverana nokuzvidzwa

kushorwa kunouya pamwechete nokufumurwa.

4Mazwi anotaurwa nomunhu

imvura yakadzika,

karwizi kanoyerera,

kasipiti koungwaru.

5Hazvina kunaka kuitira wakaipa zvakanaka

uchitadzisa ruenzaniso kuna wakarurama.

6Muromo webenzi unomutsa gakava

zvarinotaura zvinoridaidzira shamhu.

7Zvinobva mukanwa mebenzi

zvinomuparadza,

muromo wake musungo unosunga iye.

8Mazwi omunhu anotaura makuhwa

anenge misuva inonaka

anonyatsoti dyoo mukatikati momuviri.

9Munhu anoita nungo pabasa

mukoma nomunun'una nemharadzi.

10Zita raTenzi inhare yakasimba

mururami anomhanyira mariri anochengeteka.

11Upfumi hwomupfumi inhare yake yakasimba

anotofunga kuti rusvingo rusingakwiriki.

12Munhu asati aparadzwa anombozvikudza

kuti munhu ukudzwe tanga wazvidukupisa.

13Kupa mhinduro usina kunzwa mubvunzo wacho,

hurema uye zvinonyadzisa.

14Nomwoyo mukuru

unogona kutirira chirwere

asi ukarasa mwoyo

ungatirire sei.

15Munhu ano musoro anozviwanira ruzivo

nzeve yomungwaru inotsvaka ruzivo.

16Chipo chinokuzarurira mikova yakawanda

chichikuwanisa masvikiro pana vakuru vakuru.

17Anotanga kupira nyaya yake

ndiye anoonekwa seari pachokwadi.

Kusvikira mumwe wake auya kuzomuongorora.

18Chin'ange chinopedza gakava

chinopedza kukwikwidzana

kwavane simba, vanoitirana mapitse.

19Mukoma kana munun'una ashatiriswa

anotyisa kupinda nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo.

Gakava rakadaro rakaita sezvihuri

zvenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo.

20Zvaunotaura ndizvo zvinozokuzvimbira,

zvinobva pamuromo pako ndizvo zvinozokutsitsirira.

21Rufu noupenyu zviri mumaoko orurimi

vanoita ushamwari narwo

vanowana mubayiro warwo.

22Munhu anowana mukadzi anowana chinhu chakanaka

chinotova chiratidzo chorudo rwaTenzi.

23Varombo vanotoita zvokuteterera

asi vapfumi vanopindura nehasha.

24Dzimwe shamwari ndedzokuvaraidza chete

asi imwe shamwari

inokunda mukoma kana munun'una.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help