1 Nhoroondo 14 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvakaitwa naDhavhidhi muJerusaremu(2 Sam 5:11–16)

1Hiramu mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume namapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda.

2Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira zvikuru kwazvo umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri.

3Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi muJerusaremu. Dhavhidhi akabereka vamwe vana vakomana navasikana.

4Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni;

5kwouya Ibhari naErishua naErifereti

6kwoti Noga naNefegi naJafia naErishama

7kwozoti Erishama naBheeriyadha naErifereti.

Kukurira vaFirisitia kwakaitwa naDhavhidhi(2 Sam 5:17–25)

8VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokuIsiraeri yose, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi. Asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akabva abuda kundovarwisa.

9Izvozvo vaFirisitia vakanga vauya vakapamba zvinhu mubani rokuvaRefaimu.

10Dhavhidhi akada kuziva kuti Mwari anotii nazvo akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akamuti, “Enda zvako nokuti ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.”

11Dhavhidhi akakwidza kuenda kuBhaariperezimu, akavakurira ipapo. Dhavhidhi akati, “Sokupozhora nokuita mafashamo, Mwari apozhora vavengi vangu achindishandisa.” Naizvozvo pakatumidzwa zita rokuti Bhaariperazimu.

12Vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akati ngavapiswe vakabva vapiswa.

13VaFirisitia vakapamba zvakare zvinhu mubani riya.

14Dhavhidhi paakadazve kunzwa kuti Mwari anotii nazvo, Mwari akati kwaari, “Rega kubva waita zvokutandanisana navo; asi ita zvokuvanyangira uvafute nokumiti yemibharisamu.

15Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobva mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.”

16Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya hondo yevaFirisitia kubvira kuGibheoni kusvikira kuGezeru.

17Zita raDhavhidhi rakaenda mbiri nyika dzose, uyewo Tenzi akapinza mweya wokumutya mundudzi dzose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help