Sira 23 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mwari, Baba vangu, Tenzi woupenyu hwangu,

musanditurire mumaoko orurimi nomuromo wangu

kana kundirega ndichiputswa nezviito zvazvo.

2Dai ndikawana anobatira pfungwa dzangu shamhu,

achiitawo kuti ungwaru hupingudze mwoyo wangu;

ndirege kungoregererwa kana ndakanganisa.

Pazvitadzo zvangu ndirege kungonzi hazvina mhosva

3nokuti kukanganisa kwangu

kungadaro kukanyanya,

zvitadzo zvangu zvikawanda,

ndikazowira mumaoko emhandu dzangu,

muvengi wangu akazofarira nhamo dzangu.

4Tenzi, Baba, Mwari woupenyu hwangu,

itaiwo kuti maitiro angu arege kuva okuzvikudza.

5Ndidzivirereiwo mweya woruchiva.

6Musandirege ndichiva nenhafu

kana kubatwa nehavi younzenza.

Musandirege ndichiva nomwoyo usina nyadzi.

Kupika nhando

7Teererai vana vangu, munzwe chidzidziso chezvomutauriro

unofanira kuita munhu,

anozviteerera haazozvibatisa nemhosva.

8Mutadzi anozvibatisa nezvinobva pamuromo pake,

ndizvo zvinoguhunha mushori neanozvikudza.

9Rega kujaidza muromo kupika,

kana kuva nechijairira chokudoma zita rinoera

10nokuti muranda anogara akangotariswa,

kusvuuka–svuuka haangakushayi

nouyowo anogara mhiko nezita rinoera zviri pamuromo,

haangashayi chitadzo.

11Munhu anonyanyopika nezita raMwari achazadzwa nouipi,

shamhu haibvi mumba make:

kana akasaita chaanenge atsidza,

chitadzo hachibvi paari

kana akapika zvokutamba zvake

apara chitadzo chakapetwa kaviri;

kana akapika nhando, haanganzi mururami,

zvokuti imba yake ichazara nejambwa.

Kutaura kunonyadzisira

12Kuripo kumwe kutaura kune rufu mukati,

Kutaura kwakadai, dai kukarega zvako kunzwika

muimba yaJakobho

nokuti vanamati vanomira kure nezvakadai,

havambodi kuumburuka munhope yechitadzo.

13Usajaidze muromo kutaura

nyaya dzakaora nedzinonyadzisira,

nokuti munyaya dzakadai muna mazwi anotadzira Mwari.

14Funga baba naamai vako,

kana wagara pana vakuru vakuru,

ungadaro ukazokanganwa uri pavari,

woita sebenzi pamusana petsika dzako,

ukazokungura nazvo kuti dai ndakanga ndisina kuberekwa,

woshora zuva rawakaberekwa.

15Munhu ane tsika yokutaura mazwi akaora

haambofa akatsiga upenyu hwake hwose.

Zviito zvinonyadzisira

16Kune mhando mbiri dzavanhu

vanowanziridza zvitadzo,

vemhando yechitatu ndivo vanounza hasha dzaMwari.

17Kuno ruchiva runopfuta moto sevira

harudzimiki kusvikira ruti rwaroroma.

Munhu anoda kugutsa havi

dzoumhombwe nomuviri wake pachake,

haamboregera kudzimara aroromeswa nomoto wacho;

kumhombwe, mukadzi, mukadzi wose akanaka,

haimbofinhwa dakara ife.

18Mumwe munhu anondotyora mhiko dzake dzomuchato achiti,

“Ndiani anondiona?

Ndakapoteredzwa nerima; chengo chakandivanza;

hakuna anondiona; ndingatyirei zvangu.

Wokumusorosoro haazoyeuka zvitadzo zvangu.”

19Ndiko kungotya maziso avanhu chete ikoku

asi asingazivi kuti maziso aMwari

anopenya kupinda zuva

kakapetwa chiuru chakazanirana

zvokuti anoona zviito zvose zvavanhu,

achiongorora napakavandisisa.

20Aizviziva zvinhu zvose asati azvisika,

kunyange mushure mokusikwa kwazvo anozviziva.

21Munhu akadai acharangwa pazere vanhu vose veguta,

achabatwa nenguva yaasingafungiri.

Mukadzi womunhu anoita chikomba

22Ndizvozvowo zvimwechete zvino mukadzi anosiya murume

wake ari mumba,

achindoitiswa pamuviri pemugari wenhaka negombarume.

23Kechiposhi akadarika mutemo waWokumusorosoro;

kechipiri akatadzira murume wake;

kechitatu akaita upombwe noufeve hwake,

akabereka vana negombarume.

24Mukadzi akadai achagadzwa dare;

uye chitadzo chake chichapfukira vana vake.

25Vana vake havachadziki midzi;

uye vachashaya mbereko.

26Achafa achisiya kashambwa,

kunyadzisa kwake hakuzodzimiki narini.

27Vose vaanosiya pakufa kwake vachaziva

kuti hakuna chiri nani panokutya Mwari,

hakunawo chinonaka sokuteerera mirayiro yaMwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help