1Zvoupenyu handichazvida
ndichataura kunyunyuta kwangu ndakasununguka.
Ndichitaura zvinobva mukurwadziwa kwangu mwoyo.
2Ndichataurira Mwari kuti,
“Regai kundipa mhosva
ndizivisei mhosva yamunayo neni.
3Zvakanaka nhai kwamuri
kudzvanyirira nokushora
chisikwa chamakaita namaoko enyu
muchifarira urongwa hwavakaipa?
4Muna maziso avanhu here enyama?
Munoona sokuona kunoita vanhu here?
5Mazuva enyu akangoita here samazuva avanhu,
kana kuti makore enyu akangoita samakore avanhu,
6zvamunototsvaka kudai uipi hwangu
muchivhima kwazvo chitadzo changu
7imi muchiziva zvenyu kuti
ini handina mhosva
uye kuti wokundinunura mumaoko enyu ipapa hapana?
Ko Mwari zvavari ivozve vakandisika8“Imi namaoko enyu ndimi makandiumba imi, mukandisika
asi zvino mavakusandukazve muchindiparadza.
9Yeukai kuti imi makandiumba semunyakwe
zvino mondidzorera kuhuruva zvakare here?
10Hamuna here kundidurura somukaka
mukandikodzeka somukaka wakakora?
11Inga makandipfekedza wani neganda nenyama
mukandibatanidza mapfupa namarunda.
12Nomwoyochena wenyu makandipa upenyu,
mukunditarira kwenyu makandichengetedza upenyu hwangu.
Ko idzo nhamo dzangu zvadzava kuvirikidzana13“Asi zvinhu izvi makazvipfundirira mumwoyo menyu.
Ndinozviziva kuti ndochaiva chinangwa chenyu
14chokuti kana ndapara chitadzo,
imi mobva manyatsozviongorora;
pachitadzo changu ichocho musingandipembedzi.
15Dai kuri kuti ndakashata, nhamo ineni
kana dai kuri kuti ndakarurama, handipasimudze musoro
nokuti ndizere nenyadzi
uye ndakati tindindi mukurwadziwa kwangu.
16Ndikada kuti ndipasimuke
munondivhima seshumba, ndipo pamunotoratidza
masimba enyu anotyisa.
17Ndipo pamunotounza zvapupu zvitsva
muchipamhidzira kushatirwa kwenyu
hondo dzenyu ndipo padzinotovirikana samasaisai kuteverana.
Kukungura Rufu18“Chamakandiburitsira mudumbu chii chaizvo?
Dai ndakafa zvangu pasina ziso rakandiona,
19ndakaita zvangu somunhu asina kumbovapo
ndakatakurwa kubva munhumbu ndichiendwa neni kuguva.
20Iwo mazuva angu haasi mashomanana here?
Ko munoregereiko kumbobvisawo ziso renyu pandiri
ndimbotiwo faranukei zvangu
21ndisati ndaenda kunzvimbo isingadzokwi,
kunyika yenhamo nerima guru,
22nyika yenhamo nenyonganyonga,
chiedza choko irima zvaro.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.