2 Vanamakabhi 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

IV: KUEDZA KUPINDUTSA VAJUDHA KUTI VACHIITA MAGARIRO ECHIGIRIKI KWAKAITWA NAANDIOKUSI EPIFANESIKukanganiswa kwakaitwa Simoni

1Simoni uya ambotaurwa wokumbondozivisa nezvemari iya uye kuti nezvenyika yokwake, akapomera Oniasi achimurevera nhema dzokuti iye ndiye akapesvera Heriodhorusi uye ndiye akanga ari honzeri chaiyo yepfumvu iyoyo.

2Simoni uyu akanyatsozviita mupanduki chaiye wokupandukira umambo, iye aimbova muriritiri weguta iri mudziviriri chaiye wevamwe vake vomunyika yokwake ariwo munhu wevechimurenga chokuitira shungu mutemo.

3Ruvengo rwake urwu parwainge rwakura rwatosvika pokuti kwakanga kwotoitwa umhondi chaihwo, vanhu vachiurayiwa nomumwe aitozikanwa kuti imwe yenhume yaSimoni,

4Oniasi akazviona kuti kupanduka uku kwatoipisisa uye kuti Aporoniusi mwanakomana waMenesiteusi nagavhuna weKoeresiria neFonisia akanga ariye ari kutonyanyidzira umhandupandu hwaSimoni.

5Nezvo Oniasi akazvisumukira kuenda kuna mambo asina mumwe mugari wokwake waaipomera mhosva asi akangonangana nezvinonakira ruzhinji uye nezveverudzi irworwo rwose.

6Chaakadariro ndechokuti akatozviona kuti pakarega kuva nechimwe chinoita namambo, nyaya dzenyika hadzaizombosvikazve pakunyatsogadzirika zvakanaka uye kuti Simoni haasi akanga asingazoregedza upenzi hwake.

Kupinza vanhu mune zvechiGiriki kwaJasoni

7Serukusi paakafa uye mumwe Andiokusi ainzi Epifanesi paagara paumambo panzvimbo pake, Jasoni mukoma nomunun'una naOniasi vakazvipa basa romupristi mukuru nounyengedzi.

8Akatsidza kuna mambo mukukurukurirana kuti achazomupa matani gumi namaviri emari yesirivha ana makirogiramu mazana maviri ane makumi mana uyewo imwe mari yavaizowana kune mimwe mitero inosvika matani maviri emari yesirivha ane makirogiramu mazana manomwe ane makumi maviri.

9Akatsidzawo kuzopa matani mana emari yesirivha ane zana ramakirogiramu yokuwedzera pane iyoyi iyi kana iye abvumirwa navakuru vakuru vake kuti andovaka nhandare yejimunasiumu kuitira chikwata chevechidiki uye kunyora vanhu vokuJerusaremu savagari vokuAndioku.

10Mambo paakabvuma uye Jasoni ava pachigaro, akabva angosandura mugariro wavanhu vomunyika make kuti vachiita mugariro weChiGiriki.

11Akasendeka zvirevo zvokwamambo zvaivapo zvakanga zvakanangana navaJudha zviya zvavakazviwanira zvaiitiswa naJohani baba waYuporemusi vaya vakamboita rwendo rwokundosimbisa ushamwari nokuwirirana navaRoma. Akaparadzawo mirao yamagariro kwawo akauyisa tsika itsva dzinopesana nomutemo

12nokuti akabva nechimbichimbi akabva nhandare yejimunasiumu pasi chaipo penhare iya yokuzvidzivirira nayo muhondo akafurira mamwe majaya akanga aine chiremera chakanakisisa kwazvo kuti vapfeke nguwani yechiGiriki.

13Vanhu vakanga vanyanyisa kupinda mutsika dzechiGiriki. Vakanga zvino vanyanya kupindwa namagariro evechirudzi pamusana pouipi hwakapindiridza hwaJasoni munhu akanga asingatyi Mwari, asiri mupristi mukuru,

14uye kuti vapristi vakanga vasisinawo nechido chebasa ravo rapaatari vozvidza Nzvimbo Inoera vasisina hanya nezvibayiro vokupinda mumakwikwi asina nomurao wese omunhandare yetsimba vachimbodaidzwawo kumutambo wokukanda imwe simbi yedhisiki.

15Vakange voshora mukurumbira wakawanika namadzibaba avo vava kutoti maitiro echiGiriki ndiwo chete akasumukira kwazvo.

16Nezvo vakazvipinza mujambwa rakaipisisa kwazvo, vanhu vana magariro avakange vachiyemura vachida kunyatsovatevedzera, ndivo vakanyatsobva vatova vavengi vavo vakavaranga.

17Ndinodaro nokuti hachisi chinhu chidiki kushora mitemo yaMwari ndozvacho chaizvo zvichaburitswa pachena nezvichazoitika.

18Pakazoita mamwe makwikwi omutambo waigaroitwa mugore rechina roga roga wakaitirwa kuTire, izvozvo mambo akangawo ariko,

19ndokubva muipi uya, Jasoni atumira nhumwa dzakanga dzasarudzwa dzichinge vanhu vokuAndiouku, ivo vari vagari vokuJerusareumu zvavo kuti vatakure mazana matatu emari yesirivha yamadhirakima yokundopira chibayiro kuna Hekurusi. Asi vakatakura mari iyoyo vakazviona zvakanaka kuti varege kuishandisa pane zvechibayiro ichocho pamusana pokuti hazvaifanira kunzarwo asi kuti ishandiswe kuitisa basa rimwewo zvaro.

20Nokudaro mari iyi yakanga yanzi nanyakuitumira ndeyechibayiro chokupira Hekurusi, asi nezvakazorongwa navakaitakura yakazondoshandiswa kugadzirisa ngarava dzehondo dzine nzvimbo nhatu dzokukwasva nadzo.

Kunyatsogamuchirwa kwaAndiokusi Epifanesi muJerusaremu

21Aporoniusi mwanakomana waMenesiteusi paakatumwa kuIjipiti pakugadzwa umambo kwaFirometa mambo Andiokusi akazviziva kuti Firometa uyu akanga atopandukira umambo hwake akatsvaka nzira dzokuzvidzivirira nadzo. Naizvozvo paakasvika kuJopa akabva apfuurira onanga Jerusaremu.

22Akagamuchirwa zvakanakisisa kwazvo naJasoni neguta iri, akapinzwamo namazhenje omoto nomupururu. Akazondopinda hake muFonisia.

Kuva mupristi mukuru kwaMererausi

23Kwakati perei chinguva chinoita makore matatu, Jasoni akatuma Menerausi mumwe aiva mukomanomunun'una naSimoni amborehwa uya kuti aigire mambo mari iya uye kundonzwa zvinofungwa namambo pazvinhu zvikuru zvinofanira kuitwa zvebasa.

24Asi iye paakasvitswa pana mambo akamurumbidza achizvitutumadza noukuru. Menerausi akabva azviwanira chigaro chomupristi mukuru achibvawo avimbisa kubvisa mari yesirivha inoita matani mana ana makirogiramu mazana mana kudarika yakanga yatsidzwa naJasoni.

25Mushure mokunge atemerwa zvaidiwa namambo kuti zviitwe akadzoka zvake asingambokodzeri kuti andove mupristi mukuru. Asi akanga oviruka nehasha ava mutongi ane utsinye chaihwo orura zvino semhuka yesango.

26Nezvo Jasoni uya wokumbobvutira chigaro hama yake chaiyo, akabvutirwawo nomumwe munhu, akadzingirwa seswerakuenda chairo kunyika yavaAmoni.

27Zvino Menerausi ndiye akazenge agara pachigaro chake asi haana kuzenge achibvisa nguva nenguva mari iya yaambotsidzirwa mambo.

28Kuzoti Sositiratusi mumwe mukuru mukuru wavarwi vapanhare yokuzvidzivirira nayo muhondo paakaramba achireva mari iyoyo kuti iripwe, sezvo iyeyu uyu ariye aiva nebasa rokuunganidza mari yaiwanika mumitero; vakazodaidzwa kudare kwamambo pauviri hwavo kudaro vachidaidzirwa nyaya iyoyi iyi.

29Menerausi akasiya aita munun'una wake Risimakusi achimbobatira nzvimbo yomupristi mukuru, uyuwo Sositiratusi achisiyira Kiratesi kuti ambomubatira chinzvimbo choutungamiriri wehondo yevarwi veSipuri.

Kuurayiwa kwaOniasi

30Mamiriro ezvinhu paakanga achakadaro, zvakangoitikawo kuti vanhu vokuTasusi nevokuMarusi vakaita chimurenga pamusana pokuti maguta avo akanga apiwa sechipo kuno mumwe ainzi Andiokisi akanga ari murongo wamambo.

31Nokudaro mambo akaenda kunogadzirisa bongozozo iroro achisiya mumwe munhu akanga ane chigaro chapamusorosoro kwazvo ainzi Andironikusi amuita somutevedzeri wake.

32Asi Menerausi achifunga kuti dzawira mutswanda akabva aba mimwe midziyo yendarama yomuTemberi ndokuipa kuna Andironikusi. Akanga atotengesa mimwe midziyo kuguta reTire nokumaguta omunharaunda macho.

33Oniasi paakanyatsoziva zvakanga zvaitwa izvi akabva azviisa pachena, akatanga andohwanda kune imwe nzvimbo yokuteurira yokuDhafini pedyo nokuAndioku.

34Naizvozvo Menerausi akatora Andironikusi vakaenda pavo voga achimufurira kuti auraye Oniasi. Andironikusi akaenda kuna Oniasi akamusvikira nounyengedzi hwakaipisa hwokutotsidza kwaari nemhiko akamupa ruoko rwake rworudyi kutobatanawo naye, izvozvo iye aine twaakaronga kumuita. Akanyengetedza Oniasi kuti abude munzvimbo yokuteurira macho, Menerausu ndokukanda pasi zvoruenzaniso akabva aita chipatapata kuvapfuudza.

35Pamusana paizvozvi havazi vaJudha chete asi kuti navazhinjiwo vechirudzi vakarwadzwa mwoyo vasingafadzwi nokuponda munhu uku kwakaitwa noujarijari kudaro.

36Mambo paakadzoka kuruwa rweSirisia, vaJudha vomuguta rimwe nerimwe vakamhan'ara kwaari mhosva iyi yokuurayiwa kwakaitwa Oniasi zvisina kana nechikonzero, vaGiriki vakavengawo mhosva iyoyi.

37Naizvozvo Andiokusi akashungurudzwa mumwoyo akabatwa kwazvo netsitsi akahwihwidza kuchema pamusana pokuti mufi uyu akanga ari munhu ainyatsotaura zvinovaka aina magariro akanaka.

38Pakarepo akaviruka nehasha akabva akakutunura Andironikusi hanzu yoruvara rwohute iya, akabvarura hanzu dzake neshungu akamundenderedza neguta rose akasvika panzvimbo pacho chaipo paakaparira mhosva yakaipisa yokuuraya Oniasi. Ipapo ndopaakauraira muchinda iyeyo muzvina ropa uyu. Nokudaro Tenzi akamutsividza nechirango chakakodzeranawo naye.

Firo yaRisimakusi

39Risimakusi paakanga aita zviito zvakawanda zvokun'oresa muguta achizviita akabatana naMenerausi uye unyerekupe hwezvavo pahwakanga hwapararira nenyika, voruzhinji vakamukira Risimakusi pamusana pemidziyo yendarama yakawanda yakanga yatobiwa.

40Mhomho yavanhu iyi sezvayakanga ichitutuma neshungu ichiviruka nehasha, Risimakusi akaita kuti zviuru zvitatu zvavarwi vapakate zvombo zvokurwisa nazvo. Akatanga kurwisa zvisiri pamurao vachitungamirirwa nomumwewo ainzi Auranusi imwe harahwawo zvayo, benzi chairo rokupedzesera.

41Asi vaJudha pavakaziva kuti Risimakusi oda kurwisa, vamwe vakanonga matombo, vamwe vakapakata zvimiti, vamwe vakabatira mumaoko dota zvakanga zvakati pasi mwarara. Vakazvikanda izvozvo zvava zvemhirizhonga chaizvo kuna Risimakusi navarwi vake.

42Izvi zvakaita kuti vakuvadze vamwe vavo vakawanda vakatourayawo vamwe, vakavadzvamutsa kutiza vose zvavo. Uya wokupamba paTemberi uya chaiye vakamuurayira pedyo nemaichengeterwa upfumi.

Kupa pfumbamuromo kwakaitwa naMenerausi kuna Toremi

43Mhosva dzakakonzera bongozozo irori dzapomerwa Menerausi.

44Mambo paakaenda kuTire, varume vatatu vakanga vatumwa nedare ramakurukota, vakamupira mhosva iyi.

45Asi Menerausi akabva aita seatokonwa kare ndokutsidza kuzopa pfumbamuromo yakati kuti kuna Toremi mwanakomana waDhorimenesi kuti mambo amurevererewo.

46Naizvozvo Toremi akatora mambo vakaenda pavo voga vakafamba zvavo neimwe nzira yakagadzirwa vachiita sevari kumbofurwa zvavo nemhepo achitsveterana namambo kuti achifunga napamwe.

47Menerausi honzeri youipi hwose uhu, akamuti hausisina mhosva pamhosva dzose dzawanga uchipomerwa, asi akatongera rufu vanhu vakanga vaita rombo rakaipa. Vanhu ivavo vangadai vakasunungurwa vasina kumbopiwa mhosva dai kuri kuti vakateterera kunyange kuna Sitiasi.

48Nezvo vanhu vakanga vambotaura vachipa umboo hwakanaka hwezveguta iroro nezvemisha yaro nemidziyo inoera pakarepo vakabva vangowirwa nokurangwa zvisiri pamurao.

49Naizvozvo kunyange vanhu vokuTire vakaratidzawo kuvenga kwavo mhosva iyoyi vakayamura nezvinhu zvakanakisisa zvakabvisira kuvigwa kwavo.

50Asi Menerausi, pamusana pavatongi vaiveko vaida simba rokutonga, akaramba ari pachigaro achitonyanya kuipa akatova nhungamiri chaiyo yokupandukira vamwe vake vomunyika make.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help