Sira 32 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mabiko

1Kana wakasarudzwa kuva mukuru wapamabiko,

usazvikudza nazvo,

zviite savamwe vose varipo,

ona kuti vamwe vose vapiwa,

ndiko kwava kuzogarawo iwe pasi.

2Kana wapedza basa rako rose, wogarawo pasi,

uchifara navamwe,

wobvawo wozogadzwa rutsungare mumusoro runoratidza

kugona basa kwako.

3Kana uriwe mukuru, zviri pamutsetse kuti utaure

asi nanga kune zvaunofanira kuti utaure

usaganurire vanoimba.

4Kana vanhu vari mudariro vachitamba,

rega kuramba wongotaura.

Haisiyo nhambo yokuratidza ungwaru hwako.

5Kuimba pamabiko ewaini kwakafanana

nechishongo cherubhi pandarama.

6Kunaka kwakaita emeradhi iri pandarama,

ndokunaka kunoita kunwa waini

mumhanzi uchirira.

7Kana uri wechiduku, taura kana uchifanira kutaura,

taura kaviri chete uye watokumbirwa kutaura.

8Usabvotomoke, asi taura zvizhinji namazwi mashoma,

ita somunhu anoziva asi anozvidzora zvake.

9Kana uri mukati mavakuru vakuru usaite sewakaenzana

navo, usabwerebwete kana mumwe achitaura.

10Mheni inotanga nokuti vaku kozotevera kudhirima,

ndizvozvowo zvino munhu akapfava:

vanhu vanotanga nokumuyemura.

11Kana nguva yokuenda yasvika rega kuva

ndiwe wokupedzisira;

enda kumusha; usarambe wongodzengererapo.

12Waveko unogona kuzvivaraidza nezvaunenge uchida zvako

asi usatadzire Mwari nokuzuwa.

13Panaizvozvi tenda akakusika

anokuti fasha nezvinhu zvakanaka.

Kutya Mwari

14Munhu anotya Mwari, anobvuma kudzidziswa

vanofumomutsvaga vanowana makomborero.

15Vanodzidza Mutemo vanozadzwa nawo,

asi munyengedzi anopinganidzwa nawo.

16Vanotya Mwari vachaziva kuti zvakarurama ndezvipi

vachizoitawo kuti zvakarurama zvipenye somwenje.

17Munhu mutadzi indambakurairwa

kana ane chaada haashaye twokureva.

18Munhu anofunga haarambi mazano.

Munhu wenharo, uye anozvikudza haana chaanozeza.

19Rega kuita chinhu usati wafunga,

kana une chawaita usazodemba.

20Usafambe nomugwagwa uzere nenjodzi,

ungadaro ukazogumburwa namatombo.

21Famba wakachenjera

kunyange pamugwagwa wakanaka;

22uye, chenjererawo vana vako.

23Chenjerera zvose zvaunoita,

nokuti ndiko kuchengeta mitemo ikoko.

24Anovimba noMutemo anochengeta mitemo,

uyo anovimbawo naMwari,

hapana chaanorasikirwa nacho.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help