Nziyo 44 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, iyi nhetembo yovokwaKoraNyika inokumbira kudzivirirwa

1Mwari isu takanzwa nenzeve dzedu,

madzitateguru edu akatitaurira

zvamakaita pamazuva avo pasichigare.

2Imi makadzinga vechirudzi

namaoko enyu,

uye kuti ivo vadzikemo misha,

makatambudza vechirudzi

mukavatandanisa.

3Havana kukurira nyika

nehondo yebakatwa

kana kukunda nesimba roruoko rwavo;

asi noruoko rwenyu rworudyi

nesimba roruoko rwenyu

uye nechiedza chouso hwenyu

nokuti makafadzwa navo.

4Ndimi mambo wangu naMwari wangu

itii vokwaJakobho vakunde.

5Nesimba renyu tinokurira mhandu dzedu;

nezita renyu tinotsikatsika vanotirwisa.

6Handivimbi nouta hwangu

kunyange bakatwa rangu harindiponesi.

7Asi imi makatinunura kumhandu dzedu

mukanyadzisa vanotivenga.

8Tinovimba nguva dzose naMwari wedu

uye tichatenda Mwari wedu nokusingaperi.

Dzepfunde.

9Asi zvino makatirasa mukatinyadzisa

uye hamuna kutsigirana nehondo dzedu.

10Mukaita kuti titize vavengi vedu

mhandu dzedu dzikatowana zvadzo zvokupamba.

11Makatiita sehwai dzokubaya

mukatimwararisa mukati memarudzi.

12Makatengesa vanhu venyu

nomutengo usina maturo

asi chamakabura ipapo hapana.

13Makatishoresa navavakidzani vedu

tikave chiseko nechinhu chinonyombwa

navakatipoteredza.

14Tatove tsumo pakati pevechirudzi.

Mukati mavanhu, tinotodzungudzirwa musoro.

15Zuva rose ndinoswera ndichinyara

ndadonha uso nokunyara

16namashoko okunyomba nokushora

pamberi pomuvengi nomutsividzi.

17Zvose izvi zvakatiwira

asi isu tisina kukukanganwai

kana kusatendeka kuchitenderano chenyu.

18Mwoyo yedu haina kufuratira

uye tsoka dzedu hadzina

kutsauka pagwara renyu.

19Asi imi makatipwanya panzvimbo inogara makava,

mukatifukidza nerima rakati kwirindindi.

20Dai kuri kuti takakanganwa zita raMwari wedu

kana kusimudzira maoko edu kuna Mwari asiri iye,

21iye Mwari angadai asina kuzviona here?

Nokuti anoziva wani zviri mumwoyo zvakavandika.

22Inga tinouraiwa zuva rose

tichitorwa sehwai dzokubaya.

23Mukai TENZI, munokotsirireiko?

Mukai musatirase zvachose.

24Munozvivanzirei uso?

Munokanganwirei nhamo

nokushushwa kwatinoitwa.

25Tazvambarara muguruva,

tachiti kwati kwati pasi.

26Simukai muuye kuzotibatsira.

Tinunureiwo nokuda kwomwoyochena wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help