Muparidzi 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kana wavakuita mhiko kuna Mwari ziva zvaurikuita

1Chenjerera mafambiro ako kana uchienda kuimba yaMwari. Zviri nani kuendako pamusana pokuda kuteerera pano kundopira chibayiro chamapenzi nokuti havazivi kuti vari kuita zvakaipa.

2Pakutaura pana Mwari rega kumedza kutsenga uchakuda kana kupindwa nomwoyo wokukurumidza kutaura pana Mwari nokuti Mwari ari kudenga iwe uri pasi pano. Saizvozvo zvaunotaura ngazvive zvishoma.

3Kurotomoka kunouya

kana twunonetsa twawanda.

Ndizvozvowo nezvinotaurwa nebenzi

kana twarinotaura twawanda.

4Kana wapika mhiko kuna Mwari rega kunonoka kuita zvawapika zvacho. Haafariri mapenzi. Ita zvawakapika kuita.

5Zviri nani kusapika mhiko panokupika mhiko uchizorega kuita zvawapika.

6Rega kuti murumo wako ukutungamirire kutadzira Mwari, uye usati kumutumwa kwaingova zvako kukanganisa. Seiko uchida kuti Mwari ashatirwe nezvaunotaura achizoparadza basa ramaoko ako?

7Kurotomoka kungawande zvako, zvinotaurwa zvingawande zvazvo asi chako iwe itya Mwari.

8Kana ukaona mudunhu varombo vachidzvinyirirwa, uye ruenzaniso nokururama zvakandwa pasi ngazvirege kukushamisa nokuti mukuru-mukuru anoongororwa nomukuru kwaari uye kuna vamwe vakuruwo pamusoro pavo.

9Chinhu chakanaka kwazvo kuti nyika ive namambo asi iri nyika inorimwa.

Mari inokusvitsepi?

10Munhu anoda mari haaguti mari

uye anoda upfumi nokubereka kwahwo

izvozviwo hazvinzwisisiki.

11Upfumi hukawanda vanohudya vanowandawo muridzi wahwo chaanowana chii mahuri kusiya kungohuona nameso?

12Hakusi kunaka ikoko kwakaita hope dzomushandi kunyange adya zvizhinji kana zvishoma, kuwandirwa kwomupfumi nomupfumi kunomushaisa hope.

13Kune chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chokuti munhu anozviunganidzira upfumi hwozomukuvadza.

14Upfumi ihwohwo anorasikirwa nahwo mukuita zvakaipa sarei mumaoko asisina chaanacho asi iye ari baba womwana

15Sokubuda kwaakaita mudumbu maamai vake ndomuendero waachaita ari musvi, sokuuya kwaakaita pasina chaangatakure chebasa rake chaangaende nacho mumaoko.

16Kunyange ichochi chinhu chakaipisisa; samauiro aakaita ndiwo maendero aachaita. Chaakawana chii zvino zvaakashandira mhepo zvayo kudaro

17achipedza mazuva ake ose murima nomukutambura mumwoyo nokurwara nokushatirwa.

18Chandakazoona zvangu kuti chinhu chakanaka uye chinokodzera ndechokuti munhu adye zvake achinwa achifara zvichibva pabasa raanoshingairira kuita pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwake aakapiwa naMwari nokuti iwoyu ndiwo mugovewo wake.

19Ichiwo chipo chaMwari chokuti munhu wose anopiwa upfumi nepfuma nesimba rokugona kufadzwa nazvo, agone kugamuchira mugove wake nokuwanawo rufaro runobva mubasa raanoshingairira kuita.

20Chikonzero chacho ndechokuti haambonyatsorangarira mazuva oupenyu hwake nokuti Mwari anomuita kuti agare achifara mumwoyo make.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help