Nehemiya 12 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vapristi navaRevhi vakadzokera naZerubhabhero naJeshua

1Vapristi navaRevhi vaya vakasimuka vakauya pamwechete naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua ndavava ava vanoti:

Seraya naJeremiya naEzira

2naAmariya naMaruki naHatushi

3naShekaniya naRehumu naMeremoti

4naIdho naGinetoi naAbhiya

5naMijamini naMaadhiya naBhiriga

6naShemaya naJoyaribhu naJedhaya

7naSaru naAmoki naHirikiya naJedhaya.

Ivava ndivo vaiva vakuru vakuru vavapristi nevehama dzavo mumazuva aJeshua.

8KuvaRevhi uku paiva navava vanoti:

Jeshua naBhinui naKadhimieri

naSherebhiya naJudha naMataniya

iyeyu nehama dzake vaiva varivo vokuona

nezvenziyo dzokutenda

9uku Bhakibhukiya naUno hama dzavo vainge vachimira pakadaro apo vakatarisana navo pavainge vari pabasa irori.

Madzitateguru omupristi mukuru Jeshua

10Jeshua aiva baba vaJohakimu

Johakimu ari baba vaEriyashibhu

Eriyashibhu ariwo baba vaJoyadha

11Joyadha ariwo baba vaJonatani.

Jonatani ndibaba vaJadhua.

Vatungamiriri vedzimba dzomudzinza ravapristi

12Mumazuva aJoyakimu, vapristi vakanga vari vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakamira vakadai:

Seraya aiva wokwaMeraya

Jeremiya ari wokwaHananiya

13Ezira ari wokwaMeshuramu

Amariya ari wokwaJehohanani

14Maruki ndewokwaJonatani

Shekaniya aiva wokwaJosefi

15Harimu ari wokwaAdhina

Meremoti ari wokwaHerikai

16Idho ari wokwaZekariya

Ginetoni ndewokwaMeshuramu

17Abhiya ari wokwaZikiri

Miniyamini naMoadhiya vaiva vokwaPiritai

18Bhiriga ari wokwaShamua

Shamaya ari wokwaJehonatani

19Joyaribhu ndewokwaMatenai

Jedhaya aiva wokwaUzi

20Sarai ari wokwaKarai

Amoki ari wokwaEbheru

21Hirikiya ndewokwaHashabhiya,

Jedhaya aiva wokwaNetaneri.

Mazita emhuri dzechipristi nedzechiRevhi dzakanga dzakanyorwa

22KuvaRevhi uku, mumazuva aEriyashibhu naJohanani naJadhua, kwakanga kuna mazita akanyorwa avatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho pamwechetewo navapristi kusvikira mugore rokutonga kwaDhariusi muPezhiya.

23Vanakomana vokwaRevhi, kusvikira mumazuva aJohanani mwanakomana waEriyashibhu, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho, vakanga vakanyorwa mazita muBhuku reNhoroondo.

B: KUGOVERANISWA KWAVAKAITWA MABASA OKUITA EPATEMBERI

24Vakuru vakuru vevaRevhi ava vanoti: Hashabhiya naSherebhiya naJeshua mwanakomana waKadhimieri nehama dzavo vaiva vokumira pakatarisana navo vachitenda Mwari nokurumbidza maererano nezvakanga zvanzi zviitwe naDhavhidhi munhu waMwari, chikwata chichidairana nechimwe.

25Mataniya naBhakibhukiya naObhadhiya naMeshuramu naTarimoni naAkubhu vaiva vachengetedzi vepamisuo mikuru vaimira vachigaririra padzimba dzokuchengetera zvinhu dzokumisuo mikuru yacho.

26Ivava ava vaivepo mumazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, Jeshua mwanakomana waJozadhaki nomumazuva aNehemiya gavhuna neemupristi Ezira nyanzvi yomutemo iya.

C: KUTEKETERERA KUNA MWARI KWAKAITA NEHEMIYA RUSVINGO

27Pakuteketererwa kuna Mwari kwakaitwa rusvingo rweJerusaremu, vakakokorodza vaRevhi kunzvimbo dzavo dzose vachiunza muJerusaremu kuzopembera nokufarira kuteketerera kuna Mwari ikoku vachimutenda vachiimba vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani.

28Vanakomana vevaimbi vakaungana pamwechete vachibva munharaunda yeJerusaremu nokumisha yevanhu vokuNetofa

29nevaibvawo kuBhetigirigari nokuruwa rweGebha nokuAzimavheti. Chakanga chavepo ndechokuti, vaimbi vakanga vazvivakira misha munharaunda yeJerusaremu.

30Vapristi nevaRevhi vakazvichenura vakabva vachenurawo vanhu nemisuo mikuru norusvingo.

31Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara

32richiteverwa mushure naHoshaya pamwechete nechimwe chikamu chamachinda emaJudha umu ava vanoti:

33Azariya naEzira naMeshuramu

34naJudha naBhenjamini

naShemaya naJeremiya

35nevamwe vanakomana

vevapristi vaine mabhosvo ava vanoti:

Zekariya mwanakomana waJonatani

Jonatani mwana waShemaya

Shemaya ari mwana waMataniya

Mataniya ariwo mwana waMikaya

Mikaya akaberekwa naZakuri

Zakuri aberekwa naAsafu

36nehama dzake dzomumba dzinoti:

Shemaya naAzareri naMirarai

naGirarai naMaai naNetaneri naJudha naHanani.

Vaine zvokuimbisa zvinoridzwa zviya zvaDhavhidhi munhu waMwari, Ezira nyanzvi yomutemo iya, ndiye aivatungamirira.

37Kusuo guru reChisipiti, vakati tande kuenda vakananga kumberi kwavo vachikwidza napamadanho rapaGuta raDhavhidhi pamukwidza worusvingo nechepamusoro pemba yaDhavhidhi vachienda kusuo guru rokuMvura kumabvazuva.

38Rimwewo boka ravaya vokutenda Mwari rakaenda kurubhoshwe. Ndakavatevera nechimwe chikamu chavanhu pamusoro porusvingo ipapo nochokumusoro kweNharire yeZvoto takananga kurusvingo Rwakapamhama

39napamusoro pesuo guru rokwaEfuremu nepasuo guru reChinyakare nepasuo guru reHove nokuNharire yokwaHananeri nokunharire yeZana nokusuo guru reHwai. Vakazosvikomirira pasuo guru revaGaririri.

40Nokudaro mapoka maviri aye okutenda Mwari, akamira mumba maMwari, izvozvo ndakanga ndine chimwe chikamu chavakuru vakuru

41chevapristi vaiva namabhosvo ava vaiti:

Eriyakimu naMaaseya naMiniamini

naMikaya naErieonai naZekariya naHananiya

42kwozouyawo Maaseya naShemaya

naEreazaru naUzi naJehoHanani

naMarikiya naEramu naEzero.

Vaimbi vakaimba zvokunzwika zviye vachitungamirirwa naJezirahiya.

43Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure.

D: VARUME VEBASA ROKUUNGANIDZA ZVEMIPIRO YOKUTEMBERI

44Pazuva iroro vamwe varume vakaiswa pabasa rokuona nezvedzimba dzokuchengetera zvinhu izvi zvinoti: mipiro nemichero yokutanga nezvegumi. Ndivo vaiva nebasa rokuunganidzamo migove yainzi nomutemo ive yavapristi nevaRevhi zvichibva muminda yomumaguta pamusana pokuti Judha yaifarira vapristi nevaRevhi vaishandamo.

45Vakaita basa raMwari wavo nebasawo rokuzvichenura sezvakangoitawo vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru maererano nomurao waDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.

46Nokuti kare mumazuva aDhavhidhi neaAsafu kwaiva nomukuru mukuru wavaimbi, kwaivawo nedzimbo dzokurumbidza nokutenda Mwari.

47Isiraeri yose mumazuva aZerubhabhero nomumazuva aNehemiya vanhu, vaibvisa mugove wokupa vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru, vaibvisawo zvevaRevhi, vaRevhiwo vachibvisawo chikamu chaifanirwa kupiwawo kuvanakomana vokwaAroni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help