1 Madzimambo 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muzinda waSoromoni

1Soromoni akazvivakirawo muzinda wake. Akaita makore gumi namatatu achiuvaka akaupedza kuuvaka wose.

2Akavaka imba yainzi Imbayesangorerebhanoni. Urefu hwayo hwaiita makumi mana emamita anamamita mana, upamhi hwayo mamita makumi maviri ane maviri kureba kwayo kuenda mudenga ina mamita gumi namatatu ane masendimita makumi mashanu. Yaiva yakavakwa nemitsara mina yemhanda dzomuti womusidhari, mapango omusidhari akatandarikwa pamhanda idzi.

3Dzimba dziya dzaiva pamusoro pemhanda makumi mana ane shanu, mumutsara woga woga muine mhanda gumi neshanu, dzakanga dzakawarikwa mapango omusidhari.

4Yaive nemitsara mitatu yamafuremu emahwindo, mahwindo acho akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu.

5Magwatidziro emisuo yose akanga aina mativi mana akaenzana, mafuremu ose amahwindowo akanga aine mativi mana akaenzana. Mahwindo acho akanga akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu.

6Akavakawo zimba rainzi Imba yemhanda. Urefu hwayo hwaiita mamita makumi maviri namaviri, upamhi hwayo huri gumi ramamita rina mamita matatu ana masendimita makumi mashanu. Kumusuo kwayo, usati wapindamo, yaiva nakamba kepamusuo kane berere.

7Akavaka rimwe zimba mainzi muDare maaitongera, ndomaiva muDare imomo. Yakanga yakanzi chechetere nomusidhari kubvira pauriri hwayo kusvikira panoperera chengo.

8Dzimbahwe, imba yake chaiyo yokugara, yaiva munzvimbo yeseri kwezimba reDare yakanga iine muvakirwo mumwechetewo. Soromoni akavakirawo mukunda waFarao waakaroora, imba yakafanana nezimba irori.

9Dzose idzodzi dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha aiva akavezwa nomwero wakatemwa achiita zvokunyatsochekwa nasaha amatombo kunze nomukati, kubvira paugaro hwemba iyoyo kusvikira kunoperera chengo, kubvirawo kunze kusvikira munhandare huru.

10Ugaro hwemba iyi hwakanga huri kwemazibwe makuru kwazvo, mamwe aiva nemamita matatu ana masendimita makumi mashanu kureba mamwe aine mamita mana.

11Pamusoro pahwo paiva namabwe anokosha akaita zvokuvezwa zviri pamwero Wakatemwa, painewo mapango omusidhari.

12Nhandare huru yaiva nechengo chemitsara mitatu yamabwe akavezwa kuitenderera, nomutsara mumwechete wamapango omusidhari. Ndozvakanga zvakaitawo nhandare yomukati yemba yaTenzi nekamba kapamusuo.

Hiramu

13Mambo Soromoni akatumira shoko kundodaidza Hiramu kuTire, akabva auya.

14Akanga ari mwanakomana wechirikadzi yedzinza rokwaNafutari. Baba vake vaiva munhu wokuTire webasa rendarira. Vaiva munhu azere noungwaru nokunzwisisa noumhizha hwebasa rose zvaro rendarira. Hiramu akauya kuna Soromoni akasvikomuitira basa rake rose.

Basa rakaitwa naHiramu(2 Nhor 3:15–17)

15Akagadzira misimboti miviri yendarira. Mumwechete waiva mamita masere kureba uri mamita matatu ane masendimita makumi matatu kufuta uine mhango pakati kukobvuka kwawo kuine upamhi hweminwe mina. Musimboti wechipiri wakanga wakangofananawo nawo.

16Akagadzirawo zvepamusoro payo zviviri zvendarira achiita zvokuinyungurutsa, zvokushongedza pamusoro pemisimboti iyoyo. Kukwira mudenga, urefu hwezvepamusoro zvacho chimwe nechimwe hwaiva mamita maviri ane masendimita makumi maviri.

17Akagadzirazve necheni mambure maviri anenge sefa okushongedza nawo zvepamusoro pemisimboti iyi achiti pamusimboti uyu mhaswa nomwe, pamusimboti uyu mhaswa nomwe.

18Saizvozvo akagadzirira misimboti iyi mitsara miviri yezvinenge michero yamapomegiraneti kutenderera mambure acho achishongedza zvimwechetezvo zvepamusoro pemusimboti iyi yose iri miviri.

19Zvepamusoro zvacho zvakanga zviri pamusoro pemisimboti iyi yaiva pamberi pekamba kapamusuo zvaiva zvakaitwa samaruva amahapa zvichiita mita rimwechete rina makumi masere amasendimita kureba.

20Pane zvinhu zviya zvepamusoro pemisimboti iyi uyewo napamwe pakanga pakafutumara kuitenderera; munyasi memambure aye aye paiva namapomegiraneti mazana maviri akanga ari mumitsara miviri kuitenderera ndozvakanga zvakaita zvinhu zviye zvepamusoro pacho zvose zviri zviviri.

21Akamisa misimboti iyoyi pamberi pekamba kepamusuo weTemberi. Akamisapo musimboti nechokumaodzanyemba kwepo akautumidza zita rokuti Jakini, akamisawopo musimboti nechokuchamhembe akautumidza zita rokuti Bhoazi.

22Pamusoro pemisimboti yacho iyi paiva pakaitwa samaruva ejongwe. Saizvozvo basa rokugadzira misimboti rakabva rapera.

Kugadzirwa kwezibhavhu ziguruguru kwazvo kwakaitwa naHiramu

23Akagadzira zibhavhu ziguruguru kwazvo noutare hwaakaita zvokunyungurutsa. Rakanga rakatenderera richiita mamita mana ana masendimita mana kubva pamuromo kuyambuka kune mumwe muromo. Udzamu hwaro hwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana ana masendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi nematatu ana masendimita makumi maviri.

24Nechepasi pomupendero waro pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri.

25Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero dzimwe dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusana padzo.

26Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza. Mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavu iri raipinda mazana maviri amadhiramu ane madhiramu makumi matanhatu namaviri emvura.

Hiramu anogadzira ngoro dzendarira

27Hiramu akagadzirawo nendarama mitumbi yengoro gumi. Mutumbi woga woga wakanga uchiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere kureba, upamhi hwacho huchiitawo mita rimwechete rina masendimita makumi masere urefu hwacho kuenda mudenga hwaiva mita rimwechete rina masendimita makumi matatu.

28Magadziriro akanga akaitwa mitumbi yengoro idzi ndaaya: yaiva namapanga okumisa endarira. Pakati pamapango iwayo pakaiswa marata endarira.

29Pamarata iwayo akanga akaiswa pakati pamapango okumisa acho, pakanga pakaitwa mifananidzo yeshumba neyehandira neyezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu. Pamusoro pamapango okumisa pari pamusoro nepasiwo peshumba nehandira dziye paiva nounyerekete hwomurongorongo wamaruva.

30Ngoro imwe neimwe yaiva namavhiri mana nemitanda yendarira. Ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu. Mumakona ayo maiva nezvokutsigira bhavhu. Zvokutsigira nazvo izvi pazvakaitwa noutare hwokunyungurutsa zvakaumbwa zviine tumirongorongowo twazvo twamaruva mativi ose.

31Muromo wemaraigadzikirwa waiva uchiita masendimita makumi mashanu udzamu. Muromo iwoyo wakanga wakatenderera sezvainge zvakangoitawo pasi pechigadzikiro ichi. Kubvira pamuromo wacho kusvikira pasi pagaro racho paiita masendimita makumi manomwe ana mashanu. Kumuromo kwacho kwakanga kwakanyatsonyorwapo zvimwe zvokushongedza. Marata aya engoro akanga aina mativi mana akaenzana aiva asiri madenderedzwa.

32Mavhiri mana aya akanga ari nechepasi pamarata aya. Mitanda yacho yemavhiri adzo yaiva yakabatanidzwa nemitumbi yengoro idzi. Upamhi hwevhiri rimwechete hwaiva huchiita masendimita makumi manomwe namashanu.

33Mavhiri iwayo akanga akagadzirwa semavhiri engoro dzehondo. Mitanda yacho namavhiri acho nezvipokisi zvawo namadura acho zvaiva zvakaumbwa noutare hwokunyungurutsa.

34Makanga muine zvokutsigira zvina mumakona mana engoro imwe neimwe. Zvokutsigira izvozvi zvaiva zvakabatana nengoro idzi.

35Pamusoro pengoro yoga yoga paiva nebhande rakaitenderera richiita masendimita makumi maviri ana maviri kureba. Pamusoro pengoro mbariro dzayo namarata ayo zvakanga zvakangobatana kuita chinhu chimwechete nayo.

36Pakapamhama pembariro napamarata napose paiwanika kanzvimbo, akaita mifananidzo yemakerubhu neyeshumba neyemiti yemirara nounyerekete hwomurongorogo wamaruva kuitenderera.

37Ndomugadziriro waakaita ngoro idzi dziri gumi. Dzose idzodzi dzakaforomwa muforoma dzimwechetedzo dziine mwero mumwechete dzakangoitawo zvimwechetezvo.

38Akagadzirawo mabhavhu gumi endarira. Bhavhu rimwe nerimwe raipinda madhiramu mashanu emvura. Bhavhu roga roga raiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere upamhi. Dziri gumi kudaro, ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu rayo.

39Akandomisa ngoro shanu kumaodzanyemba kwemba yacho iyi, akandomisawo dzimwe shanu kuchamhembe kwemba iyoyo, akaisawo zibhavhu ziguruguru riye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo.

Zvinhu zvakagadzirirwa imba yaTenzi(2 Nhor 4:11—5:1)

40Hiramu akagadzirawo mapoto nefoshoro namadhishi. Saizvozvo Hiramu uyu akapedza basa rose ramambo Soromoni repamba paTenzi.

41Akagadzira misimboti miviri nezvinhu zviviri zvaiva zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti iyi, kwouya mambure maviri okushongedza pazvinhu zviya zvaiva pamisoro yemisimboti iyi

42uye zvainge michero yemapomegiraneti mazana mana zvokuisa pamambure aya maviri, mumbure woga woga uine mitsara miviri yemapomegiraneti zvokushongedza pazvinhu zviya zviviri zvakafutumara zvepamisoro pemisimboti,

43kwouyawo ngoro gumi namabhavhu adzo gumi,

44kwozouya zibhavhu ziguruguru riye nehandira gumi nembiri dzaiva pasi paro.

45Mapoto nefoshoro namadhishi, midziyo yose iyi yomumba maTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHiramu yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa.

46Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZaretani.

47Soromoni haana kuera kurema kwemidziyo iyoyi pamusana pokuti yakanga yakawanda zvikuru kwazvo nezvo hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii.

48Soromoni akagadzira midziyo yose yaive mumba yaTenzi yaiti: atari yendarama, neteburu yendarama yechingwa chokuisa pana Mwari,

49kwouya zvigadzikiro zvemwenje zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvaiti zvishanu kurutivi rwokumaodzanyemba zvimwe zvishanuwo kuchamhembe tisati tapinda munzvimbo inoera yomukatikati, kwouyawo maruva namarambi nembato dzendarama,

50kwoti makomichi nezvigero namadhishi namabisiro orusenzi namagwati okutapisa moto zvendarama chaiyo yakanakisisa, kwotiwo mahinjisi endarama amagonhi omukatikati memba iyoyi, omunzvimbo inoeresesa uyewo namahinjisi emagonhi emba yacho chaiyo, eTemberi.

51Sokudaro basa rose rakaitwa namambo Soromoni remba yaTenzi rakapera, Soromoniwo akuya nezvinhu zvababa vake Dhavhidhi zvakanga zvakapirwa kuna Mwari zvaiti sirivha nendarama nemidziyo, akazvirongedza mumatura emba yaTenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help