1“Ngatiti munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako mowanikwa chitunha chomunhu akaurayiwa chiri musango pasingazikanwi munhu akamuuraya,
2vakuru vakuru venyu navatongi ngavauye vaere kubvira pane chitunha kuenda kumaguta ose ari pedyo nacho.
3Vakuru vakuru vomuguta rinenge riri pedyo nacho kupinda mamwe ose, ngavatore tsiru risina kumboitiswa basa kana kusungwa pajoko.
4Vakuru vakuru ivavo ngavaende netsiru racho kubani kukakova kane mvura inoerera kusina kumborimwa kana kudyarwa, vosvikorityorera mutsipa kukakova ikoko.
5Vapristi vechiRevhi ngavaendeko nokuti ndivo vakasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti vamushandire nokukomborera muzita raiye Tenzi. Zvavanenge vatema ivo ndizvo zvinopedza mhosva dzose dzokukakavadzana nedzokupondana.
6Ipapo vakuru vakuru vose vomuguta riri pedyo nepakaurayirwa munhu iyeyo ngavashambire maoko avo pamusoro petsiru riya rinenge ratyorwa mutsipa mubani
7vachiti, ‘Isu hatizisu takadeura ropa iri, uye isu kana nameso edu kuriona richideurwa.
8Tenziwe-e, regereraiwo vanhu venyu vaIsiraeri vamakanunura. Musape vanhu venyu vaIsiraeri mhosva yokudeura ropa romunhu asina mhaka.’ Mhosva yokudeura ropa romunhu ngairege kuva pavari.
9Naizvozvo munobva mashamba mhosva yokudeura ropa romunhu asina mhaka mukati menyu nokunge maita zvakanaka zvinofadza Tenzi.
Vakadzi vanenge vatapwa muhondo10“Kana ukaenda kuhondo kundorwa navavengi vako, Tenzi Mwari wako akaisa vavengi vako mumaoko ako ukavatapa,
11kana ukaona mukadzi ane chimiro chakanaka pakati penhapwa idzodzo waungade kuroora,
12enda naye kumba kwako. Ngaaveure vhudzi rake, achekewo nzara dzake,
13abvise hanzu yake yaakanga akapfeka paakatapwa. Achaita mwedzi wose achichema baba namai vake agere mumba mako, wozobva wopinda naye mumba, iwe wova murume wake iye achivawo mukadzi wako.
14Kana usisamude murege zvake aende kwaanoda. Haubvumirwi kumutengesa nemari kana kumutora somuranda nokuti wakamukanganisa.
Chikamu chenhaka chinopiwa dangwe15“Kana murume ane vakadzi vaviri mumwe waanoda nomumwe waasisadi vakamuberekera vana vakomana vaviri dangwe riri rouya waasingadi,
16pazuva raanogovera vana vake nhaka ngaarege kutora mwana womukadzi waanoda omuti ndiye dangwe achisiya mwana womukadzi waasisadi anenge ariye dangwe.
17Ngaatore dangwe sedangwe, iye mwana womukadzi waasisade wacho. Ngaaratidze izvozvo nokumupa chikamu chenhaka chakapetwa yezvaanazvo zvose kaviri nokuti ndiye mwana wake waakatanga-tanga kubereka, ane mvumo yokuwana zvose zvoudangwe.
Mwana asingateereri vabereki18“Kana munhu ane mhandupandu netsvuuramuromo yemwana asingateereri baba namai vake kunyange vachimurayira zvavo, iye asingavanzwi,
19baba namai vake ngavamutore vaende naye kuvakuru vakuru veguta, rake raanogara pasuo raro.
20Ngavataurire vakuru vakuru veguta vachiti, ‘Mwana wedu uyu imhandupandu netsvuuramuromo yomwana, haatiteerere anokara uye chidhakwa.’
21Varume vose vomuguta rake ngavamuteme namabwe afe. Nokudaro muchabvisa huipi hwakadai pakati penyu zvokuti vaIsiraeri vose vachazvinzwa vakatya.
Mirao yakasiyana-siyana22“Kana munhu apara mhosva inokodzera rufu, imi mukamuuraya mukazomuturika pamuti,
23chitunha chake ngachirege kurara usiku hwose chiripo. Chivigei zuva rakarero nokuti munhu anenge aturikwa pamuti anenge ashorwa zvakanyanyisisa, naTenzi. Regai kun'oresa nyika yenyu yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.