1 Johani 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Chinokunda nyika

1Munhu wose anotenda

kuti Jesu ndiye Kristu, mwana waMwari.

Munhu anoda mubereki

anodawo mwana waanobereka.

2Chatinoziva nacho kuti tinoda vana vaMwari, kuda Mwari

nokuteerera mitemo yake.

3Kuda Mwari kunoreva kuchengeta mitemo yake

uye mitemo yake hairemi

4nokuti mwana wose waMwari

anokunda nyika.

Tsime rechipiri, Chitendero

Chinhu chinokunda pasi ndechichi, chitendero chedu.

5Ndiani anokunda pasi kana asiri uyo anotenda

kuti Jesu Mwanakomana waMwari.

6Jesu Kristu ndiye akauya nemvura neropa

kwete nemvura chete asi nemvura neropa.

Mweya ndiye chapupu

nokuti Mweya ndiye chokwadi.

7Kune zvapupu zvitatu

8zvinoti Mweya neropa nemvura.

Zvose zviri zvitatu zvinowirirana.

9Kana tichigamuchira uchapupu hwavanhu,

ko kutozoti hwaMwari,

hukuru kupinda hwavanhu.

Ihwohwu ndihwo huchapupu hwaMwari

hwaakaita kuMwanakomana wake.

10Munhu anotenda muna Mwanakomana waMwari

ano uchapupu ihwohwo maari,

uyowo asingatendi muna Mwari

anomuita munyepi nokuti anenge asina kutenda

muuchapupu hwaakaita kuMwanakomana wake.

11Uchapupu hwacho ndohwuhwu hunoti:

Mwari akatipa upenyu husingaperi

upenyu ihwohwo huri muMwanakomana wake.

12Munhu anenge ana Mwanakomana ano upenyu

anenge asina Mwanakomana waMwari haanawo upenyu.

Chinangwa chetsamba ino

13Ndiri kukunyorerai imi munotenda muzita

roMwanakomana waMwari

kuti muzive kuti muno upenyu husingaperi.

MAMWE MASHOKO AKAPAMHIDZIRWAKunamatira mutadzi

14Ruvimbo rwatinarwo naye ndorwurwu rwokuti

kana tikamukumbira chii zvacho

chinowirirana nokuda kwake anotinzwa.

15Kana tichiziva kuti anotinzwa pane zvose zvatinomukumbira,

izvozvo ndizvo zvatinoziva nazvo kuti

kana tikakumbira chinhu kwaari tatochiwana kare.

16Kana munhu akaona

mumwe wake achiita chitadzo chisingaurayi

anogona kumunamatira.

Mwari anobva apa mutadzi iyeyo upenyu

kwete anenge apara chitadzo chinouraya.

Kune chitadzo chinouraya.

Handisi kuti munhu

anamatire mumwe panaizvozvo.

17Kuita kwakaipa kwose chitadzo.

Asi kune chitadzo chisingaurayi.

Tinoziva kuti munhu anenge ari mwana waMwari

haaiti chitadzo.

Mashoko okuzarira

18Asi uyo akaberekwa naMwari, Mwari anomuchengetedza.

Saizvozvo muipi uya haambomubatabati.

19Tinoziva kuti tiri vanhu vaMwari.

Pasi pose pari mumaoko omuipi uya.

20Asi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya

uye akatipa kunzwisisa

kuti tizive iye wechokwadi.

Isuwo tiri muna iye wechokwadi.

MuMwanakomana wake Jesu Kristu

iyeyu ndiMwari wechokwadi

uyezve iye upenyu husingaperi.

21Vanangu chenjererai vamwari vasirivo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help