Mateu Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Shoko Rakanaka raMateu, panguva yakanyorwa Shoko Rakanaka raMateu sangano rakanga ratangisa riri ravanhu vechiJudha. Panguva iyoyo vamwe vanhu vechirudzi kuvaJudha vakanga vava kupindawo musangano ravaKristu. Ipapo, vaKristu vakanga vava kukamukana nebato resinagogu. Jesu akanga avakutarisirwa kudzoka. Mibvunzo yakanga youya yokuti Jesu ndiye Mesia uya aimirirwa navanhu here kana kuti kwete. Ipapo Mateu akanyora bhuku iri achida kuburitsira vaJudha pachena nokuvaratidza pachena kuti Jesu ndiye Mesia akanga achitarisirwa. Munyori webhuku raMateu aishandisa manyorero maviri. Dzimwe ndima aidzinyora semharidzo dzaJesu, dzimwewo achidzinyora senhoroondo yezvakaitika. Bhuku iri raive richizobatsira vanhu pakuparidza nokudzidzisa, nokuzvibata kwavaKristu, nenzira kwayo yokunamata Mwari. Anodzidzisazve nezvichaitika pamazuva okupedzisira. (Zvitsauko 24 25).Zvikuru–zvikuru zvinodzidziswa naMateu ndezvizvi zvokuti: Jesu ndiye Mesia uya akanga akamirirwa navaJudha. Jesu akauya kuzotanga umambo hwaMwari 9:35; 2:2; 16:28; 5:3; 10 20 7:21; 19:14; 23:24; 12:28; 16:28; 13:10; 6:33; 13:44–46. Jesu haana kuuya kuzobvisa mutemo asi kuzozadzisa 5:17–48; 2:23 22:37–40; 23:23. Jesu akatanga sangano rake rinofanira kuita upenyu hwakanaka 5:20 rine urongwa kwahwo 18:15–18; 16:17–19 rina vanhu vanoregererana 18:21–22 vanonamata 18:19–20 vanopa uchapupu kwaari 18:19–20.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMateuI: Kuberekwa kwaJesu noucheche hwake (1:1—2:23)II: Kuparidzwa kwoumambo hwedenga (3:1—7:29)a) Chikamu chokutsanangura (3:1—4:25)b) Mharidzo yaJesu pagomo (5:1—7:29)III: Kuparidzwa kwoumambo hwedenga (8:1—10:42)a) Chikamu chokutsanangura nezvishamiso (8:1—9:38)b) Jesu anodzidzisa vadzidzi vake (10:1—10:42)IV: Zvakavandika zvoumambo hwokudenga (11:1—13:52)a) Chikamu chinotsanangura zvoumambo hwedenga tisingashandise mienzaniso (11:1—12:50)b) Chikamu chinotsanangura zvoumambo nemienzaniso (13:1–52)V Sangano, michero yokutanga youmambo hwedenga (13:53—18:35)a) Chikamu chokutsanangura nezveSangano (13:53—17:27)b) Chikamu chinotaura nezveSangano (18:1–35)VI: Kuuya kwoumambo hwokudenga (19:1—25:46)a) Chikamu chokutsanangura (19:1—23:39)b) Kuuya kwaJesu kwechipiri (24:1—25:46)VII: Dambudziko norufu nokumuka kwaJesu (26:1—28:20)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help