1Nokuti zita rakaipa rinonyadzisa nokushoresa,
ndozvine mutadzi anoita huyakose.
2Rega kutungamirirwa namapangiro omuviri wako
nokuti zvingadaro zvikakubvarura–bvarura sehandira,
3zvichadya mashizha ako, zvodya michero yako,
uchisara wangova muti wakaoma.
4Mwoyo wakaipa unoparadza muridzi wawo,
uchimuita kuti ave chiseko chavavengi vake.
Ushamwari hwezvirokwazvo5Kunatsa mukanwa pakutaura kunoita kuti
munhu ave neshamwari dzakawanda
munhu ane kuremekedza pakutaura
unowana vazhinji vaanofarirana navo.
6Iva munhu anonzwanana navakawanda
asi wokukupa mazano ngaave
mumwechete pachuru chavanhu.
7Kana uchida kuita ushamwari nomunhu,
tanga wamuedza,
usachimbidzike kutendeseka naye.
8Chiripo ndechokuti,
imwe ishamwari yamazuva anonakira iyo,
asi nezuva renhamo haamire newe.
9Imwe shamwari inosanduka kuva muvengi,
inokunyadzisa nokuparidzira vamwe
kukakavadzana kwamakaita.
10Imwe shamwari ishamwari pakudya chete,
asi nezuva renhamo haimiri newe
11kana zvinhu zvichakanaka,
anenge iyewe pachako,
achinekaidzawo varanda vako.
12Asi kana zvazokuipira anokupindukira,
asisadi kana kuonana newe.
13Gara kure navavengi vako
shamwari dzako udzichenjerere.
14Shamwari yakatendeseka idiziro kwaro;
anowana shamwari yakadaro awana upfumi.
15Hakuna chakakosha seshamwari yakatendeka;
kukosha kwayo hakuna chikero chingakuere.
16Shamwari yakatendeka mushonga woupenyu,
inowanikwa naanotya Mwari.
17Anotya Tenzi anotsvaga ushamwari hwakanaka
nokuti zvakaita munhu
ndozvakangoitawo shamwari dzake.
Kadzidzisiro kwoungwaru18Mwanangu, kubvira pauduku hwako
sarudza kudzidza,
ugozoramba uchingowana ungwaru
kusvikira wachena musoro.
19Uya kuungwaru sezvinoita munhu
anorima nokudyara,
ugomirira goho rahwo
nokuti mukuukurisa
uchabata basa kwekanguva kakati kuti
wozobva wodya michero yahwo.
20Kuna vasina kuudzidza
ungwaru hunoita somudzidzisi wakaomarara.
Munhu akaneta–neta haangagari nahwo,
21huchange mutoro wezidombo rinomuremera,
haatani kuukanda pasi.
22Zita rakapiwa ungwaru
rakafanana naihwo ungwaru
hariwanikwi nevazhinji.
23Teerera, mwanangu,
unzwe zvandinofunga;
usarambe zano rangu.
24Isa tsoka dzako muzvikachiro zvahwo,
uisewo mutsipa wako mujoko rahwo.
25Rerekera mafudzi ako pasi pahwo uutakure;
usanetseke nengatani dzahwo.
26Nanga kwauri nomwoyo wako wose,
tevera nesimba rako rose
nzira dzinokusvitsa kwauri.
27Bvunza kwauri uutsvage,
ihwo huchazvionesa kwauri.
Kana waubata usahuregedze huchienda
28nokuti pakupedzisira uchawana zororo mauri,
huchipinduka hwova rufaro kwauri.
29Zvaikukachikira zvichakudzivirira nesimba;
zvahwakakushongedza zvichava gemenzi rinopenya.
30Joko rahwo richava chishongo chendarama,
ngetani dzahwo dzichava maribhoni oruvara rwehute.
31Uchapfeka ungwaru sechipfeko chamandiriri,
ugoudzika mumusoro sengundu yokufara.
32Mwanangu, kana uchida, unogona kudzidziswa.
Kana ukazvipira kudzidza sokugona kwako,
unova munhu anoungwaru.
33Kana uchida kuteerera uchava noruzivo,
ukarerekera nzeve yako unova mungwaru.
34Ivawo padare ravakuru,
waunenge waona kuti ndiye akangwara,
ramba wangova naye.
35Iva nemwoyo wokuda kunzwa zvose zvinotaurwa
urege kunzvengwa netsumo dzoungwaru.
36Kana waona munhu ano ungwaru,
fumirira kwazvo kumushanyira,
gumbo rako ngaripedze
chikumbaridzo chomusuo wake.
37Fungisisa nezvemirao yaMwari,
urangarire nezvemitemo yake nguva dzose
ndiye achavhenekera pfungwa dzako,
uye ungwaru hwacho hwaunoda uchaupiwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.