Sira 24 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kutaura kunoita Ungwaru

1Ungwaru hwava kuzvirumbidza,

hwava kuzvidetemba mukati mavanhu vahwo.

2Hwava kutanga kutaura huri

mukati mesangano roWokumusorosoro,

hwava kuzvidetembedza pamberi paSamasimba.

3Hunoti, “Ndakabuda mumuromo woWokumusorosoro,

semhute ndikati pasi pute.

4Ndaigara kunzvimbo yokumatengatenga,

chigaro changu choumambo

chaiva pamusoro peshongwe yegore.

5Ndini ndoga ndakatenderera pasi pose, ndichitevedza

muganhu wedenga napasi,

ndakafambawo nomuzinyanza riri pasi penyika.

6Masaisai enyanza napasi pose

nenyika dzose namarudzi ose zviri mumaoko mangu.

7Ndakatsvanga kwose kwavaiva kuti ndiwane pokuzororera,

ndichitsvaga kuti ndichagara maani.

8Ndipo pandakabva ndaudzwa noMusiki wazvose,

iye Nyakundisika akandiratidza pokugara achinditi,

‘Ita musha wako maJakobho,

nhaka yako ive muvaIsiraeri.

9Chingo nechingo,

pakutanga akandisika; uye ndicharamba,

ndiripo narini wose.

10Mutendhe rake rinoera ndimo mandakamuitira basa

pamberi pake,

saizvozvo ndakadzika midzi muZioni.

11Akandiwanisa nzvimbo yokuzorora muguta rake rapamwoyo,

akandipa ukuru muJerusaremu.

12Ndakadzika midzi muvanhu vorudzi runo mukurumbira,

mugove waMwari, rudzi rwaakaita nhaka yake.

13Ndakakura kuti dzu–u, somusidhari wokuRebhanoni,

ndikaita somusaipurasi uri mugomo reHerimoni.

14Ndakakura ndikareba somurara wokuEnigedhi.

Ndakaita samagwenzi amarozi okuJeriko,

uye, somuorivhi wakanaka uri mudondo.

Ndakareba kwazvo somuti womupureni.

15Ndainhuwira sesinamoni, uye sokunhuhwira kunoita

muti womuasiparata.

Ndainhuhwira semura kwayo,

kana kuti segaribhano neonikisi nesitakite,

uyezve sorusenzi rweTendhe rinoera.

16Ndakatambanudza mapazi angu somuterebhini,

mapazi angu anorumbidzika nokuyevedza kwawo.

17Ndinotungira zvinoyevedza somugirepisi,

michero yamaruva angu imbiri noupfumi.

19Uyai kwandiri imi munondida,

muzodya michero yangu,

20nokuti kundirangarira kunotapira kupinda uchi,

kuve wako kwangu kunokunda zinga rouchi.

21Vanondidya vacharamba vane nzara neni,

vanondinwa vacharamba vane nyota neni.

22Anonditeerera haazonyadziswa,

uye, vanobatsirwa neni

mumabasa avanoita havazombotadzizve.’ ”

Ungwaru ndiwo Mutemo

23Izvi zvose ndizvo zvimwechetewo nebhuku rechitenderano

chaMwari Wokumusorosoro,

ndiwo Mutemo watakaparidzirwa naMosesi,

waakatisiyira kuti ive nhaka yeveimba yaJakobho

rinoverengwa mumisangano yavo.

25Mitemo izere noungwaru sokuzara kunoita rwizi rwePishoni

kana kunoita rweTigirisi nenguva yokuruma zvitsva.

26Inofashukira norunzwisiso sokufashukira kunoita rwizi

rweYufuratesi, kana sezvinoita rwizi

rweJorodhani nenguva yokukohwa;

27inopenya norudzidziso sechiedza

kana rwizi rweGihoni panguva yokusvina magirepisi.

28Vokutanga havana kuunzwisisa,

kunyange vazvino uno hapana ati aubatisisa,

29nokuti, ungwaru, mupfungwa, hwakakura kupinda nyanza

uye, mazano ahwo akadzama kupinda hwenje, hwakadzama.

30Ini ndinoita somugero unotora mvura yomurwizi,

uchiiendesa kwainodiridza munda.

31Ndakati, “Regai ndidiridze munda wangu,

ndichichakatisa mihomba yangu.”

Wonei mugero wangu wabva wava rwizi,

rwizi rwangu rukabva rwavawo nyanza.

32Ndichaita kuti chidzidziso changu chiti ngwe–e

sorujeko rworungwanani,

ndichaita kuti kupenya kwacho kusvike kure.

33Ndichaparadzira chidzidziso changu sechiporofita

ndichichisiya senhaka yezvizvarwa nezvizvarwa.

34Chionai kuti handina kuzvishandira basa

asi kuti ndakariitirawo avo vose vanotsvaga ungwaru.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help