Muparidzi 11 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvinoitwa nomunhu akangwara

1Tumira mbeswa dzako mhiri kwamakungwa

mushure zvichakudzorera.

2Isa mari yako kunhu kunomwe

kana kusere

nokuti hauzivi chinokuwira pasi pano.

3Kana makore azere mvura anoidururira pasi

kana muti ukawira kumaodzanyemba

kana kuchamhembe,

paunowira ndipo paucharara.

4Munhu anogara akatarisa mhepo

haambodyara

uye anodyara akatarisa makore haakohwe.

5Sokusaziva kwaunoita kuti mweya unouya

sei mumapfupa munhumbu memukadzi

anepamuviri,

saizvozvo hauzivi mabasa aMwari anoita zvose.

6Kumangwanani dyara mbeu dzako.

Kumanheru usagare maoko

nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi,

chinoichi kana kuti icho

pamwe zvose zviri zviviri zvinoita zvakanaka.

7Chiedza chakanaka,

uye chinhu chakanaka kumaziso kuona zuva.

8Munhu akagara makore mazhinji,

anofanira kufara maari ose

asi ayeuke kuti mazuva erima achawanda

zvose zvinozouya hazvinzwisisiki.

Nyevero kune vechiduku

9Iwe wechiduku fara pamazuva ako ohuduku

mwoyo wako ngaufare pamazuva ako ohuduku

ita zvinoda mwoyo wako

uye zvaunofunga

asi ziva kuti pana izvozvi zvose

Mwari achakutonga.

10Rega kuzvidya mwoyo

bvisa zvose zvinokurwadza muviri

nokuti uduku noujaya hazvinzwisisiki.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help