Nziyo 116 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Munhu akapunyuka rufu anorumbidza Mwari

1Ndinoda TENZI nokuti

akanzwa izwi rangu nechichemo changu;

2nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri

naizvozvo ndichadaidzira kwaari

chero ndichiri mupenyu.

3Misungo yorufu yakandikomba,

kurwadza kwenzvimbo yavakafa kwakandibata.

Ndakaona nhamo namatambudziko.

4Ndakazodana zita raTENZI ndichiti,

“Ndinokukumbirai TENZI ndinunureiwo.”

5TENZI wakanaka, akatendeka;

Mwari wedu ane tsitsi.

6TENZI anochengeta vanhuwo zvavo.

Pandakanga ndasakadzwa nenhamo, akandinunura.

7Mwoyo wangu dzikama zvako

nokuti TENZI akandiitira zvakanaka

8nokuti makandinunura kurufu

mukandipukuta misodzi

mukanditsigira kuti ndirege kuwa.

9Saizvozvo ndinofamba ndiina TENZI

munyika yavapenyu.

10Ndakaramba ndiine chitendero changu,

kunyange ndaiti zvangu,

“Ndiri kutambudzika zvikuru.”

11Pandakanga ndazunzika kudaro ndakati,

“Kuvimba nomunhu hakuna maturo.”

12Ko TENZI ndichamupeiko

pane zvizhinji zvaakandipa?

13Ndichapira mukombe womuteuro

woruponeso ndichidaidza zita raTENZI.

14Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI

vanhu vake vose vachiona.

15Kuna TENZI, rufu

rwavarurami vake rwakakosha.

16TENZI ini ndiri muranda wenyu.

Ndiri muranda wenyu,

mwanakomana womurandakadzi wenyu,

makandinunura kurufu.

17Ndichapira kwamuri chibayiro chokutenda

ndichinamata zita raTENZI.

18Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI

vanhu vake vose vachizviona

19mumipanda yemba yaTENZI

mukati mako iwe Jerusaremu.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help