Muparidzi 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mashoko omuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo womuJerusaremu.

NDIMA YOKUTANGAKusanzwisisika kwoupenyu

2Hazvinzwisisiki hazvinzwisisiki, ndozviri kutaura muparidzi, hazvinzwisisiki, zvinhu hazvinyatsonzwisisika.

3Nhai imi munhu anofireiko nebasa chaizvo, nokufondoka kwose kwaanoita pasi pezuva?

4Chimwe chizvarwa chinoenda chimwewo chizvarwa chichiuya asi nyika inoramba iripo chete.

5Zuvawo rinobuda, zuva rinodoka romhanyazve iwee kunzvimbo kwaro kwarinobuda!

6Mhepo inoenda kumaodzanyemba yopishinukazve yoenda kuchamhembe, ichingotendererawo, ichingotenderera. Mhepo inoramba ichingoenda nemayamboenda namo imomo.

7Nzizi dzose dzinoyerera kugungwa asi gungwa harizari. Nzizi kwadzinoyerera dzinoyererazve ikoko.

8Zvinhu zvose zvinofinha, hapana angagone kuzvitaura. Ziso hariguti kuona kana nzevewo haiguti kunzwa.

9Zvakamboitika zvichaitikazve.

Zvakamboitwa zvichaitwazve.

Hapana chitsva pasi pezuva.

10Panechinhu here chinganzi ona chinhu icho chitsva. Chaivapo kare panguva yakare.

11Hakuna chete anoyeuka zvinhu zvakare. Hakunawo achazoyeuka panevachauya mushure macho. Uye kuyeuka pachange pasina pakati pane vachauya mushure machowo.

Upenyu hwoMuparidzi wouchenjeri

12Ini Muparidzi ndakatonga Isiraeri ndiri muJerusaremu.

13Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi.

14Ndakatarisa mabasa ose anoitwa pasi pezuva ndikaona zvangu kuti zvose hazvinzwisisiki uye kuti kunongova kudzingirirana nemhepo zvako.

15Chakakombama hachitasanudziki

chisipo hachigone kuverengwa.

16Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.”

17Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo.

18Chandinodariro ndechokuti ungwaru hukawanda nhamowo dzinobva dzaita murwi kuwanda. Anozviwanzira ruzivo anozviwanzirawo matambudziko.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help