Nziyo 105 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari navanhu vake(1 Nhor 16:8–22)

1Tendai TENZI mumunamate nezita,

muparidze mabasa ake kundudzi dzavanhu.

2Muimbirei mumurumbidze nenziyo

mutaure zvishamiso zvaakaita.

3Pururudzai muzita rake rinoera;

mwoyo yavanotsvaka TENZI ipembere nokufara.

4Nekairai kutsvaka TENZI

mutsvakewo simba rake.

Shungu yokuda kuva pana TENZI

ngaive mugariro.

5Rangarirai zvishamiso zvaakaita

zviratidzo nemirao yakabuda mumuromo make.

6Imi chizvarwa chaAbhurahamu, muranda wake,

imi vana vaJakobho, vasarudzwi vake.

7Iye TENZI ndiye Mwari wedu,

mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose.

8Anorangarira nokusingaperi chitenderano chake,

chitsidzo chaanochengeta kusvikira

kuchizvarwa chechiuru.

9Chitenderano chaakaita naAbhurahamu

chitsidzo chaakaita kuna Isaki

10chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho

sechitenderano chake navaIsiraeri chokugara nokugara

11achiti, “Ndichakupa nyika yeKanani

somugove wako wenhaka.”

12Ipapo vakanga vachiri katsama chete,

vanhu vashomanana, vatorwa zvavo,

13kufamba nawo marudzi akasiyana siyana

vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi

avanhu vakasiyana siyana.

14Zvokuti pave navanovadzvinyirira, akaramba,

pamusana pavo aitsiura madzimambo,

15achiti, “Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza,

vaporofita vangu musawana chamunoita kwavari.”

16Paakatuma nzara panyika

akaparadza chose chinonzi chokudya.

17Akafanotuma mumwe murume

pamberi pavo ainzi Josefi

akatengeswa somuranda.

18Makumbo akati ngaasungwe akaiswa makechemu,

mutsipa wake wakakochekerwa nesimbi.

19Kusvikira zvaakanga ataura zvaitika,

shoko raTENZI rakamupembedza.

20Mambo akatuma shoko akamusunungura

mutongi wavanhu akamusunungura.

21Akamuita mukuru mukuru womuzinda wake

uye mutongi wezvinhu zvake zvose

22achigona kupa machinda ake mutemo waanoda

uye kudzidzisa vakuru kwaari ungwaru.

23Isiraeri akazouya kuIjipiti

Jakobho akambogara munyika yokwaHamu.

24TENZI akaita kuti

vanhu vake vaberekane zvikuru

akavapa simba kupinda vatongi vavo

25vaakasandura mwoyo kuti vavenge

vanhu vake uye kuti vanyengedze varanda vake.

26Akatuma Mosesi muranda wake

naAroni waakasarudza

27vakaita zviratidzo zvake pakati pavo

nezvishamiso munyika yokwaHamu.

28Akatuma rima

akaita kuti nyika iite rima,

ikati ndoo kusviba.

Akapandukira zvaakanga areva.

29Akasandura mvura yavo ikava ropa

akauraisa hove dzavo.

30Nyika yavo yakazara matafi

kunyange mudzimba dzamadzimambo avo.

31Akataura kukauya mhute dzenhunzi

neumhutu nyika yavo yose.

32Panze pokuvapa mvura

akavatumira chimvuramahwe

nemheni yaipenya nyika yose

33akaparadza migirepisi yavo nemionde yavo

akatyoranisa miti yenyika yavo yose.

34Akataura, hwiza dzikauya,

gwatakwata radzo risingaverengeki.

35Dzakadya zvinomera zvose

munyika mavo

dzikadya muchero weminda yavo.

36Akauraya matangwe ose munyika mavo

zvibereko zvokutanga zvesimba ravo rose.

37Akabudisa vaIsiraeri vaine sirivha nendarama,

hapana kana mumwe wavo aiva noundonda.

38Ijipiti yakafara pavakaenda

nokuti yakanga yawirwa

nokuvatya kukuru.

39Akatambanudza gore rokuvafukidza naro

nomoto wokuvavhenekera nawo usiku.

40Vakakumbira, iye akavaunzira zvihuta,

akavapa chingwa chakawanda chaibva kudenga.

41Akazarura dombo mvura ikadzutuka

ikayerera nomurenje serwizi

42nokuti akayeuka

chitsidzo chake chinoera

naAbhurahamu muranda wake.

43Naizvozvo akatungamirira vanhu vake norufaro

vanhu vake vaakasarudza vakaimba nomufaro.

44Akavapa nyika dzevechirudzi

vakatora zvavo muchero

webasa rakanga raitwa namarudzi avanhu

45achiitira kuti ivo vazochengeta mirao yake

nokuchengeta mitemo yake.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help