1Tobhiya akazotendeukira kuna Rafaeri akati,
2“Munun'una Azariya! Chitorai vashandi vana nengamera mbiri muende kuRhagesi.
3Muende pamba paGabhaeri mumupe katsapo kemari kaya mugoona nezvemari iya muzomukoka kumabiko angu omuchato.
4Sezvamunongozivawo kuti baba vangu, izvozvi vari kutoverenga mazuva zvokuti hapachisina zuva rimwechete randinopedza ndiri kuno uku risingavatambudze mwoyo.
5Zvatsidzwa naRagueri pachake kuita, mangozvionawo, ndinosungirwa kuchengeta mhiko yake.”
6Sokudaro Rafaeri akabva paye akaenda kuRhagesi kuMidhia aine vashandi vana nengamera mbiri. Vakagara naGabhaeri ndokubva Rafaeri avaratidza katsamba kaye kemari. Akavataurira nezvokuroora kwaTobiti, mwanakomana waTobhiti akavapa rugwaro rwake rwokuvakoka kumabiko omuchato. Gabhaeri akatanga kumuverengera masaga aya, akanga akanyatsosungwa sezvaakanga akaita chaizvo pakutanga, vakaatakudza pangamera. Vakafumomuka vakapinda munzira pamwechete vonanga kumabiko aye vakasvika pamba paRagueri vakawana Tobhiya ari pakudya. Tobhiya akasimuka okwazisana naGabhaeri, iye akabva osvimha misodzi akamukomborera achiti,
“Mwanakomana akanakisisa kwazvo kwazvo!
Mwana ana baba vasina nechinoshoreka,
munhu woruenzaniso ane mwoyo wokupa
mumaitiro ake!
Dai Tenzi angokupa makomborero anobva
kudenga iwe nomudzimai wako,
navatezvara vako navambuya vako!
Mwari ngaarumbidzwe
andibvumirawo kuona mufananidzo mupenyu
womunun'una wangu Tobhiya.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.