Sira 43 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zuva

1Kunaka here ikoko

kwakaita dandanakutanda rakakukutara

mbiri zvayo chaiyo yokumusorosoro.

2Zuva rinoti vhu–u kubuda,

rinokwira richiparidza kuti:

“Iro chinhu chake chokusevenzesa chinokatyamadza,

rakaitwa naiye Wokumusorosoro.”

3Kana ava masikati makuru rinoomesa nyika;

ndiani asingatumhiswi nokupisa kwaro kwakanyanya?

4Vira rinotoda kupfutidzwa nemvuto kuti ripisise

asi kupisa kwezuva kwarinoita makomo kwakapetwa katatu.

Mweya warinofema moto,

kutaima kwaro kunopofomadza maziso.

5Iye Mwari akarisika mukuru,

kana arituma rinochimbidza kutevera gwara raro.

Mwedzi

6Kwouyawo mwedzi unochengetawo nguva yawo;

unoganhura nguva dzakasiyana–siyana uri

chiratidzo chokugara nokugara.

7Mwedzi ndiwo unotibatsira kurava mazuva makuru.

Unova jenaguru wozoenda uchipera.

8Mwedzi wamazuva unotumidzwa kunzi, mwedzi zvichibva pamwedzi

pakusanduka kwawo kunoshamisa

chiratidzo chemoto chehondo yezviri mudenga

uchipenya mudandanakutanda redenga.

Nyenyedzi

9Kutaima kwenyenyedzi runako rwamatenga,

zvishongo chaizvo zvinopenya zvokunogara Wokumusorosoro.

10Kutaura kunongoita anoera

dzinondomira padzinofanira kuva

hadzimbokanganisika pabasa radzo rokutarira.

Muraraungu

11Tarisai muone muraraungu mugorumbidza akauita,

unoyevedza zvikuru kwazvo pakupenya kwawo.

12Unoti kakaka denga iri nokupenya kwedenderedzwa

rakaita souta hwakungwa namaoko aiye Wokumusorosoro.

Zviito zvamasimba aMwari

13Nokungotaura kwake chete chando chinobva chawa,

anomhanyisa mheni kundoita zvaanenge atonga.

14Saizvozvo matura ake anozaruka,

makore anobva abuda achibhururuka seshiri.

15Nesimba rake anounganidza makore

achibedura–bedura chimvuramabwe.

16-17Izwi remheni yake rinotsiura nyika.

Pakungomuona chete makomo anobva andengendeka.

Akangozvida chete mhepo yokuchamhembe inobva yavhuvhuta,

uyewo dutu rinobva kumaodzanyemba, nechamupupuri.

Anomwaya chando chichiita seshiri dzechimokoto

chinodzika pasi chopati pute–e sehwiza.

18Ziso rinoshamiswa norunako rwomuchenero wacho,

kunaya kwacho kunotora mwoyo.

19Anoparadzira dova rechando pasi kunge munyu;

rinogwambiswa nechando roita muchanza kunge minzwa.

20Mhepo inovhuvhuta ichibva kuchamhembe

mvura inobva yagwamba kuita chando

chomira pamusoro pemvura yose inenge yakaungana

mvura yopfeka chando ichocho sedemautare rapadundundu.

21Anomedza makomo,

achibvura marenje,

uye anoomesa uswa, sohwapiswa nomoto.

22Asi mhute ndiyo inouya

ichirapa izvi zvose nenguva pfupi;

dova rinodonha ronyorovesa zvakaoma.

23Mwari nezano rake achidzikamisa

mvura iri pasi pasi pegungwa

akaisa zvitsuwa mukati maro.

24Avo vanofamba nzendo dzomunyanza vanotitaurira

nyatwa dzirimo;

zvavanotitaurira zvinotibatisa muromo.

25Nokuti kunyange imomo mune zvisikwa

zvisati zvamboonekwa, uye,

zvinoshamisa

zvamarudzi mazhinji, nezvimwe zvipuka zvikuru zvomugungwa.

26Nemaari nhumwa yake inobudirira

anobatanidza zvinhu zvose nezwi rake.

Ndiye akatema kuti zvinhu zvose zvifambidzane.

27Tingataure zvedu tataurazve,

hatimbozvipedza.

Zvatingataure muchidimu ndezvokuti:

“Mwari ndiye zvose.”

28Tingawanepi simba rokumurumbidza zvakakodzera,

zvaari mukuru kupinda mabasa ake ose kudai?

29Mwari anotyisa chaizvo, mukuru zvakanyanyisisa

simba rake rinoshamisa zvakanyanya.

30Kana morumbidza Mwari, murumbidzei kwazvo kwazvo

napamunokwanisa napo;

nokuti iye anotidarika ipapa.

Kana morumbidza murumbidzei nesimba renyu rose,

musanete, nokuti hamumbokwanisa kumurumbidza zvakakwana.

31Ndiani akambomuona, angatsanangure chimiro chake?

Ndiani angamurumbidze sezvaanokodzera?

32Kune zvakavandika zvaMwari zvizhinji zvikurukuru

kupfuura izvi,

nokuti mabasa ake atakaona mashomashoma chete.

33Mwari ndiye akasika zvinhu zvose

akapawo vanamati ungwaru.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help