1Tobhiti akadetemba achiti,
“Ngaarumbidzwe Mwari anogara narini wose,
nokuti umambo hwake hunogara nokusingaperi!
2Nokuti iye anoranga,
uye anoregerera
anodzikisa vanhu kunzvimbo yavachakabvu,
achizovaburitsazve munhamo chaiyo yokuparadzwa,
hapana angambopunyuka mumaoko make.
3Itai kuti mbiri yake idhumhe kumarudzi ose,
imi vaIsiraeri;
nokuti kunyange zvazvo
akakumwararisai mukati mavo
4imomo ndimo maanokuratidzai ukuru hwake.
Mukudzei vapenyu vose vachizviona.
Ndiye Tenzi wedu!
Ndiye Mwari wedu!
Ndiye Baba vedu!
Ndivo Mwari narini narini wose.
5“Kunyange zvazvo akakurangirai uipi hwenyu
anozokunzwirai tsitsi mose.
Achakukokorodzai kupi nokupi kumarudzi,
kwose kwose zvako kwamakamwarariswa.
6Imi mukadzokera kwaari
nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose
mukava zvino pachokwadi naye;
iye ndopaachadzokera kwamuri
asisakufuratirei.
Onai mabatiro akanaka aakakuitai
mutendei nezwi guru.
Rumbidzai Tenzi woruenzaniso,
pembererai Mambo, Chidzachepo!
Ini pachezvangu
ndichaimba ndichimurumbidza
munyika youtapwa yandiri
ndinoita kuti simba
noukuru hwake zvizikanwe
kurudzi rwakapara zvitadzo.
Imi vatadzi dzokerai kwaari;
magariro enyu ave akarurama anomufadza.
Zvichida angakuitirei nyasha
akakunzwirai tsitsi.
7Ini pachangu ndinopemberera Mwari,
mweya wanguwo unofarira Mambo Wedenga.
8Ukuru hwenyu ngaugare huri pamuromo wavanhu vose
mbiri yake iite zvokuimbwa muJerusaremu.
9“Jerusaremu iwe, Guta Rinoera,
twawakabata namaoko ako,
twakakunzwisai kurohwa naMwari;
asi vana vevakarurama anongovaitira tsitsi.
10Tendai Tenzi sezvazvinofanira kuti zviitwe,
murumbidze Mambo, Chidzachepo,
kuti Temberi yako ivakirwe mauri norufaro
uye mauri iwe awane mokunyaradzira
upi noupi zvake akambotapwa
uyewo kuti akwanise kuda vose
vanotambudzika vari mauri iwe
pazvizvarwa zvose zvichauya.
11“Chiedza chinopenya kwazvo,
chichavhenekera matunhu ose pasi pano,
marudzi akawanda achakotonoka kubva kure
achibva mativi ose kwakaperera nyika,
kuzogara pedyo nezita rinoera raTenzi Mwari,
vakabata mumaoko zvipo zvaMambo Wedenga.
Mauri iwe, chizvarwa nechizvarwa
ndimo machichaitira rufaro rwacho.
Zita reguta irori Nyakusarudzwa
richaramba riripo
zvizvarwa nezvizvarwa zvichauya.
12“Anokunyomba ngawirwe norushambwa,
anokuparadza apindwewo norushambwa,
neanopaza tsvingo dzako,
naakoromorera pasi nharire dzako,
naanopisa dzimba dzako!
Ngavakomborerwe narini wose
vanokuvaka!
13Ndopauchazopembera uchifarira
vana vavanhu vakarurama
nokuti vose vachange vakurumukiramo
vachirumbidza Tenzi, Chidzachepo.
14“Zvavo chokwadi vanokuda,
zvavo vanofarira rugare rwako
zvavo chokwadi vakakuchema
chirango chenyu chose
nokuti vachafara iyezvinouno vari mauri
vachitozvionerawo rufaro rwako rwose
mazuva achauya.
15Ini ndinokurumbidzai
Tenzi, Mambo mukuru
16nokuti Jerusaremu richavakwa patsva,
muguta Temberi yake ichavamo
narini narini wose.
“Chikomborero chakadii,
kuwana weropa rimwechete neni,
achasara zvake kuti azoona mbiri yako
nokurumbidza Mambo Wedenga.
Misuo mikuru yeJerusaremu ichavakwa
yakashongedzwa namabwe esafaya neemeradhi,
tsvingo idzi dzose zvadzo
dziri dzamatombo anokosha,
nhare dzeJerusaremu dzichavakwa nendarama,
pamusoro porusvingo pachashongedzwa
nendarama chaiyo yakanakisisa.
17Migwagwa yeJerusaremu ichanyatsonzi ware ware
namatombo erubhi namatombo okuOfiri.
18Misuo mikuru yeJerusaremu
ichawunga nenziyo dzorufaro
dzimba dzake dzose dzichiti,
‘Areruya!’
Ngaarumbidzwe Mwari weIsiraeri!
Mauri ndimo mavacharumbidza zita rinoera
narini narini wose!”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.