Nziyo 139 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi urwu rumbo rwaDhavhidhi.Mwari anoziva zvose

1TENZI makandiongorora

mukandiziva.

2Munoziva mafambiro namagariro

munonzwisisa pfungwa dzangu

imi muri kure zvenyu.

3Imi munocherechedza kufamba kwangu

nokurara kwangu

uye munoziva nzira dzangu dzose,

4nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu,

imi TENZI munenge matonyatsoriziva.

5Munondikomberedza mberi neshure

muchitoisa ruoko rwenyu pandiri.

6Ruzivo rwakadaro

runondishamisa zvakanyanyisisa,

rwuri pamusoro

handimbokwanisa kuruwana.

7Kwandingaende ndokupiko,

kusina Mweya wenyu

uye ndingatizire kupiko kwamusiri

8nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko?

Ndikati ndiwarire uvato

hwangu kunzvimbo yavakafa

imi muriko,

9ndikati regai ndipepereke

nemhepo yorungwanani

ndichindogara kwakaperera gungwa,

10kunyange ikoko ruoko rwenyu

ndirwo ruchanditungamirira

makandibata noruoko rwenyu rworudyi.

11Ndikati nditi rima rindifukidze

uye kuti chiedza chiri pandiri chive usiku

12kunyange rima harina kusviba kwamuri,

usiku hwakachena samasikati.

Kwamuri rima nechiedza zvakangofanana.

13Nokuti ndimi makaumba nhengo

dzangu dzomukati-kati.

Ndimi makandiruka munhumbu maamai vangu.

14Ndinokurumbidzai nokuti

munotyisa uye munoshamisa.

Mabasa enyu anoshamisa

munonyatsondiziva.

15Zvandiri zvakanga zvisina kuvanzika kwamuri

pandaiumbwa muchivande,

ndichinyatsosonanidzwa pasi pasi chaipo penyika.

16Makandiona nemeso nhengo dzangu

dzisati dzaumbwa.

Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu

dzikazoumbwa panguva yadzo

kusvikira dzose dzapera.

17Hakusi kukosha kwakaita pfungwa dzenyu

kwandiri TENZI

uye hakusi kukura kwadzakaita.

18Dai kuri kuti ndinodziverenga,

dzakawanda kupinda jecha.

Pandinomuka ndinenge

ndisati ndambopedza nemi.

19Dai muchingouraya zvenyu vakaipa, Mwari

uye kuti mhondi dzisudurukane neni

20vanhu vanotaura vachikushorai zvakaipa

vanokumukirai zvakaipa.

21Vanokuvengai TENZI

handivavengi here ini?

Handivengi here vanokumukirai, TENZI?

22Ndinovavenga zvokuvavenga zviya,

vanotovawo vavengi vangu.

23Ndiongororeiwo Mwari

muzive zviri mumwoyo mangu.

Ndiedzei muzive zvandinofunga

24muone kana mune chakaipa mandiri

munditungamirire munzira yokugara nokugara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help