1Mwari akabudisa muchizvarwa chaJakobho
munhu wetsitsi,
akafadza vanhu vose,
aidiwa naMwari uye navanhu,
Mosesi munhu achiri kuyeukwa
nanhasi norufaro.
2Mwari akamupa mbiri yakaenzana nayavatumwa vake
akaita kuti vavengi vake vamutye.
3Akaitawo kuti kukumbira kwaMosesi manenji amire
zvikaita kuti aremekedzwe pamberi pamadzimambo.
Akamupa mitemo yokupa vanhu vake,
akamuratidza chidimbu choupenyu hwokuvapo kwake.
4Akamuita muteketerwi wake pamusana pokutendeseka
kwake nounyoro hwake, akamusarudza pakati pavanhu vose.
5Akamubvumira kuti anzwe izwi rake pachake,
ndokumutungamirira makasviba kuti ndindoo
akamupa mitemo vakatarisana uso nouso.
Ndiwo mutemo woupenyu noruzivo
kuti adzidzise vokwaJakobho chitenderano,
ivava vokwaIsiraeri zvirongwa zvake.
Aroni6Mwari akasimudzira Aroni mukoma waMosesi pamusoro,
munhu akarurama
wedzinza rokwaRevhi.
7Akaitirana naye chitenderano chokugara nokugara
achimupa upristi hwavahu vake.
Akamushongedza nhumbi dzakakosha, kwazvo
akamupfekedza gemenzi rembiri.
8Akamupfekedza zvinhu zvakaruramisisa,
akamupa nyembe dzoutongi.
Akamutiwo apfeke bhurukwa rerineni,
negemenzi refu nehanzu yeefodhi.
9Akamutenderedza pahanzu netwainge mapomegraniti
notudare twendarama tuzhinji
twokuti turire panhanho yoga yoga yaanoita
kuitira kuti kurira kwatwo kugochinzwika
muNzvimbo Inoera,
kurira kwatwo kugovawo chiyeuchidzo kuvanhu vokwake.
10Akamupawo gemenzi rinoera
rakanyatsorukirirwa,
neshinda yendarama, neyeruvara rwedenga,
neyoruvara rwehute,
riri basa romusoni wamachira
nenyembe youtongi, yaiva notunhu twokubvunzisa
Mwari natwo tweUrimu neTumimu.
11Yakanga yakashongedzwa neshinda dzakaminingidzwa
dzakatsvuka kuti piriviri zvakanga zvaitwa nenyanzvi.
Uye tutombo twakakosha twakatsvenenzverwa twokudhindisa.
Kamwe nekamwe katwo kakanga kakanamatidzwa pakarata
kendarama noumhizha hwebasa rezvishongo
chiri chiyeuchidzo chamadzibaba ose okwaIsiraeri
chakanyorwa namavara maererano
nokuwanda kwamadzinza avo.
12Akamuisa katsungare kendarama kaaisungira panguwani,
kakanga kakanyorwa kuti: “Nyakutsaurirwamwari.”
Zvokupfeka izvi zvakaitwa noumhizha huzere
zvairatidza zvoga kuti ibasa roumhizha
uye zvaitorawo mwoyo
zvakashongedzeka zvakanakisisa.
13Iye asati ambovapo
kwakanga kusati kwambova nezvinhu zvakanakisa kudai,
uye, hazvina kumbopfekwa nomumwe munhu wokunze kusiya
navana vake voga,
navatevedzeri vavo nokusingaperi.
14Zvibayiro zvake zvaifanira kuti zvipiswe zvokuroromeswa
kaviri pazuva nokusingaperi.
15Mosesi akamugadza upristi
akamuzora mafuta anoera.
Izvozvi zvaiva chitenderano chaMwari naye chisingaperi,
uye navose vechizvarwa chake,
kusvikira kuguma kwamatenga,
kuti ave iye mutungamiriri mune zvokuteurira Mwari
nokuitawo basa roupristi
uye kuti akomborere vanhu nezita raMwari.
16Akamusarudza pana vamwe vose vapenyu
kuti apire kuna Mwari chibairo norusenzi, nomupiro
wezvinonhuwirira sechiyeuchidzo
chokupfupira zvitadzo zvavanhu.
17Pamitemo yake
akamupa simba rokuti adzidzise mirairo,
noMutemo, kuti agochizivisa vokwaJakobho
mitemo yaMwari nokujekesera vokwaIsiraeri nomutemo wake.
18Vakanga vasiri vemba yake, vakamupandukira
vakamuitira shanje, pavaiva mugwenga.
Vaiti Dhatani naAbhiramu, navamwe vavo,
uye Kora neboka rake, vakapenga nehasha.
19Tenzi Mwari akazviona akasafadzwa nazvo,
ndokubva avavirukira nehasha akavaparadza.
Akavaitira zvinogara zvakadaro
achivaroromesa namarimi omoto wake.
20Pamusoro pembiri yaakapa Aroni, Mwari
akamupa nhaka, akatiwo anofanira kuwana
michero yakanakisa pamichero yokutanga;
naizvozvi akaita kuti awane chokudya chakawanda
kupinda zvimwe zvinhu zvose.
21Ndinodaro nokuti
vapristi vanodya zvinopirwa kuna Mwari
zvaakapa Aroni nevechizvarwa chake.
22Asi iye munyika yavaIsiraeri haapiwi
nhaka uye haana mugove
ndiye oga asina kugoverwa dunhu sezvakaita vamwe,
nokuti Tenzi Mwari ndiye mugove nenhaka yake.
Finiyasi23Finiyasi, mwana waEreazaru, ndiye wechitatu
watinoyeuka mukurumbira wake,
pamusana peshungu dzake mukuremekedza Mwari
akaonesa mwoyo wakanaka akaramba aine ushingi
vanhu pavakapandukira Mwari paya.
Nokuita izvozvi akaripira vaIsiraeri mhosva yavo.
24Nokudaro Mwari akaita naye
chitenderano chokuwadzana,
achimuita mukuru mukuru weNzvimbo Inoera, uye mukuru
wavanhu kuti basa roupristi ukuru rive
rake nezvizvarwa zvake narini wose
25sechitenderano chakaitwa naMwari naDhavhidhi
mwanakomana waJese, wechizvarwa chokwaJudha chokuti
umambo hwavo huchave hwemagamuchidzanwa
chete huchibva kumwana huchienda kumwanawo wake.
Ndizvozvowo nenhaka yaAroni
ndeyezvizvarwa zvake.
26Dai waro Mwari akupai ungwaru mumwoyo yenyu
kuti mugotonga vanhu vake zvakarurama,
kuitira kuti kubudirira kwavo kurege kuparara
uye kuti mbiri yavo irambe iripo
kuzvizvarwa zvavo zvose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.