Isaya 52 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari achanunura Jerusaremu

1Muka, muka,

usunge dzisimbe,

iwe guta reZioni.

Pfeka hanzu dzako dzakanakisisa;

iyewe Jerusaremu, guta rinoera,

nokuti mauri iwe

hamuchazombopinda zvamo

vasina kudzingiswa

kana vakan'ora.

2Ibva muvhu, umuke,

ugare, iwe Jerusaremu musungwa,

bvisa majoti muhuro mako,

iwe nhapwa, mukunda,

guta reZioni.

3Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, “Pamakatengeswa hapana chakaripwa, saizvozvowo kununurwa kwenyu hapana mari inobviswa,

4nokuti zvanzi naTenzi Mwari, pakutanga imi vanhu vangu makaenda kuIjipiti mukambondogara ikoko uyewo vechiAsiria vakazokuonesai nhamo mahara.

5Zvino pakadai apa, changu chaizvo chiiwo ipapa, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, zvichinyatsoonekwa kuti vanhu vangu vari kungotorwa zvavo mahara? Tenzi ari kuti vatongi vavo vari kugurukuta, zita rangu richisweroshorwa.

6Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu. Nokudaro, zuvaro vachazivawo kuti ini ndini Iye Ari ndiri kutaura kudai, iyeni pano.”

Tsoka dzeanouya neshoko rakanaka rorugare

7Hakusi kunaka ikoko, pamakomo,

kwakaita tsoka dzaanouya

neshoko rakanaka,

anoparidza vanhu

shoko rorugare

achiunza shoko rakanaka

shoko rezvakanaka,

anoparidza vanhu

shoko roruponeso

achiti kuguta reZioni,

“Mwari wenyu

ndiye anotonga.”

8Teerera unzwe

zvoita vachengetedzi veguta

havo vodaidzira

voimba pamwechete norufaro

nokuti vari kunyatsozvionera nameso

kudzoka kwaTenzi kuZioni.

9Chitsemurai mumhanzi pamwechete,

imi matongo eJerusaremu

nokuti Tenzi ava kunyaradza

vanhu vake

ava kuzonunura Jerusaremu.

10Tenzi ava kuratidza

simba roruoko rwake runoera

ndudzi dzose dzavanhu dzichiona

kwose zvako nekwakaperera nyika

vachaona ruponeso rwaMwari wedu.

11Chibudai chibudaimo muBhabhironi

musambobata zvenyu

chinhu chakan'ora!

Budai mukati maro

zvichenurei imi pachenyu

imi vatakuri vemidziyo yaTenzi,

12nokuti kubuda hamusi kuzobuda zvechimbichimbi,

hamusi kuzobudamo zvekutiza

nokuti Tenzi achakutungamirirai,

Mwari weIsiraeri achakuperekedzai

ari necheshure.

Muranda waMwari, muranda wenhamo

13“Inzwai munzwe,

muranda wangu achabudirira,

acharumbidzwa,

achasumudzirwa pamusoro

achiva wapamusorosoro.

14Sezvakaitika kuti vazhinji vakakatyamara naye

asisatarisike zvakanaka,

asisamboonekwa somunhu.

Chimiro chake

zvokuti munhu pasisina,

15Ndudzi dzakawanda

dzichaomawo mate mukanwa nazvo,

madzimambo chaiwo

achibatawo muromo pamusana pake,

nokuti zvavasati vambotaurirwa zvavo

ndozvavachaona

nezvavasina kumbonzwa

ndizvo zvavachazonzwisisa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help