1Simoni akanzwa kuti Tirifo akanga aunganidza hondo huru yavarwi yokundorwisa nayo nyika yokwaJudha kuti vaiparadze.
2Simoni akaonawo kuti vanhu vakanga vachihuta vazara nokutya. Naizvozvo akakwira kuJerusaremu akaunganidza vanhu pamwechete
3akavakurudzira achivati, “Imi pachenyu munozivawo wani zvinhu zvikuru zvandakaita ini navakoma navanun'una vangu nevemba yababa vangu ndichiitira mitemo neNzvimbo Inoera. Munozivawo wani hondo namatambudziko zvatakaona.
4Pamusana paizvozvi madzikoma vavanun'una vangu vose vakaparara vachiitira Isiraeri, iyeni ndoga ndini ndasara.
5Saka zvino hazvide kumbofa zvakaitika kuti ndizvichengetedze upenyu panguva ipi zvayo yenhamo nokuti handisi munhu ari nani kuna madzikoma navanun'una vangu.
6Asi ini ndichatsividzira vorudzi rwangu neNzvimbo Inoera navakadzi venyu navana venyu nokuti marudzi ose akokorodzana pamusana poruvengo rwokuda kutiparadza.”
7Vanhu vakabva vamutswa mwoyo pavakanzwa mazwi iwayo
8vakapindura vachiita zvokudaidzira vachiti, “Ndimi mutungamiriri wedu wokutsiva nzvimbo yaJudhasi neyomunun'una wako Jonatani.
9Tirwirei zvenyu hondo dzedu, zvose zvamunenge mareva kwatiri tinoita.”
10Nokudaro akaunganidza varwi vose vehondo akaita zvechimbi–chimbi kundopedzesa masvingo eJerusaremu akarivakirira kumativi ose.
11Akatuma Jonatani mwanakomana waAbhusharomu kuJopa aine chitsama chehondo yavarwi akasvikoburitsa vagari vomo imomo akagaramo.
Kudzingwa kwakaitwa Simoni naTirifo muJudhia12Tirifo akabva kuToremaisi aine hondo huru yavarwi kundorwisa nyika yokwaJudha, izvozvo akanga aina Jonatani, Jonatani akaita zvokuchengetedzwa.
13Simoni akandodzika musasa wematendhe kuAdhidha pakatarisa mubani.
14Tirifo akazviziva kuti Simoni ndiye agara panzvimbo yomunun'una wake Jonatani uye kuti akanga otoda kutanga kurwisana naye, saka akamutumira nhume dzichiti,
15“Chatiri kuchengetedzera munun'una wako Jonatani muusungwa ndechokuti, ane chikwereti chemari kwamambo maererano nezvigaro zvaanga anazvo.
16Chitumira matani matatu ana mazana mana amakirogiramu emari yesirivha pamwechete navanakomana vake vaviri kuno savasungwa kuitira kuti iye akazosunungurwa arege kuzotipandukira isu tigomusunungura.”
17Simoni akaziva kuti vakanga vachimunyengedza asi akatumira vanhu kundotora mari yacho navanakomana ivavo achiitira zvake kuti arege kumutsa kuvengwa kukuru mukati mavanhu vaigona kuti,
18“Pamusana pokuti Simoni haana kutumira mari yacho navanakomana ivavo ndokusaka akaparara.”
19Saka akatumira vana ivavo namatani matatu ane makirogiramu mazana mana emari yesirivha. Asi Tirifo akatyora chitsidzo chake, haana kusunungura Jonatani.
20Mushure maizvozvi, Tirifo akazouya kuzorwisa nyika iyi kuti aiparadze. Akatenderera nokuAdhora. Asi Simoni nehondo yake vakaramba vachifamba vakavambirana navo vachingovharidzira kwose kwose zvako kwaaienda.
21Zvino varume vaiva munhare yokuzvidzivirira muhondo vakaramba vachitumira nhumwa kuna Tirifo vachimukurudzira kuti auye kwavari nenzira yokurenje uye kuti vavaigire chokudya.
22Nokudaro Tirifo akagadzirira hondo yake yamabhiza kuti iende, asi usiku ihwohwo kwakadonha chando chakanyanya kwazvo, saka haana kuzoenda pamusana pechando ichocho. Akasimuka akaenda kunyika yeGiriadhi.
23Paakanga osvika kuBhasikama, akauraya Jonatani akabva avigwa ikoko.
24Tirifo akazotendeuka akadzokera kunyika yokwake.
Kuvigwa kwaJonatani25Simoni akabva atumira vanhu kundotora mapfupa omunun'una wake Jonatani akandomuviga kuModheini muguta ramadzibaba ake.
26Isiraeri yose yakamuchema ichiungudza zvikuru kwazvo, vakamuchema kwamazuva akawanda.
27Simoni akaita chimwe chaakavaka chechiyeuchidzo pamusoro peguva rababa wake navakoma navanun'una vake. Akachirebesa mudenga kuti chionekwe chiine mabwe akakwenenzverwa mberi neshure kwacho.
28Akavakawo mapiramidhi manomwe akatarisana, achiaitira baba vake naamai vake navakoma navanun'una vake vana.
29Mapiramidhi iwaya akaarongera zvinhu zvino umhizha chaihwo akaavakira misimboti mikuru kuatenderera. Pamusoro pemisimboti iyoyi, akaisa zvainge zvombo zvokurwisa nazvo zvechiyeuchidzo chokugara nokugara. Munyasi mezvainge zvombo zvokurwisa nazvo izvi akaveza zvinenge ngarava kuitira kuti zvionekwe navose vanofamba nengarava mugungwa.
30Irori iri ndiro guva raakavaka kuModheini richiriko nanhasi.
Dhemetiriusi wechipiri akaitira Simoni mwoyo wakanaka31Tirifo akaita zvounyengedzi kuna mambo wechidiki uyu Andiokusi, akamuuraya noujarijari
32akabva ava mambo panzvimbo pake akatopfeka ngundu youmambo hwenyika yeAsia akaparira nyika nhamo huru kwazvo.
33Asi Simoni akavaka nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo muJudhia akadzikomberedza netsvingo, nenharire dzakareba namazisvingo makuru nemisuo mikuru nezvihuri. Akachengetera zvokudya munhare idzodzo.
34Simoni akasarudzawo varume akavatumira kuna mambo Dhemetiriusi nechichemo chokuti ayamurewo nyika iyi nokuti chake Tirifo chaiva kupamba chete.
35Mambo Dhemetiriusi akamutumira mhinduro kuchichemo ichochi yakanaka, akamunyorera tsamba iyi inoti,
36“Ini Dhemetiriusi ndinokunyorerai
imi VaSimoni mupristi mukuru,
shamwari yamadzimambo nokuvakuru vakuru
neverudzi rwavaJudha ndichikukwazisai.
37“Ngundu yendarama nebazi
romurara ramakatumira, takazvigamuchira.
Zvokuti pave norunyararo nemi
mune zvose, tingazvide uye tiri kunyora
kumakurukota edu kuti varege kukuteresai mutero.
38Zvose zvatakakubvumirai zvicharamba zvakadaro, nhare
dzokuzvidzivirira nadzo muhondo ngadzirambe dziri dzenyu.
39Zvose zvinodaro zvakakanganiswa
kana kutadzwa kusvikira pari nhasi tinokukanganwirai.
Chikwereti chomutero chamunacho
kuna mambo tinoti ngachichirega
kunge chicharipwa.
Mimwe mitero yose yaitereswa muJerusaremu
ngairegwe kunge ichatereswa.
40Kana kuina vamwe venyu vakakodzera kupinda basa
ravachengetedzi vokwamambo, regai vapinzwe basa iroro
uye ngapave nokunzwanana pakati pedu.”
41Mugore rechizana namakumi manomwe, joko revechirudzi rakabviswa muIsiraeri,
42ndokubva vanhu vatanga kunyora mumagwaro avo nomuzvitsidzirano vava kuti, “Mugore rechiposhi rokutonga kwaSimoni mupristi mukuru nomutungamiriri wehondo nomutongi wavaJudha.”
Kukurirwa kweguta reGaza naSimoni43Mumazuva iwayo Simoni akandodzika musasa wematendhe orwisa Gaza akarikomba nezvikwata zvavarwi. Akagadzira muchina wokurwisa nawo mukukomba ikoku akauya nawo kuguta akapaza akakurira nharire imwechete.
44Varwi vaiva mumuchina wokurwisa iwoyu vakabuda vachichirikira muguta pakamuka bongozozo guru kwazvo muguta umu.
45Vanhu vaiva muguta imomo navana navakadzi vavo vakakwira parusvingo nehanzu dzakabvaruka neshungu vachichema vachiridza mhere vachikumbira Simoni kuti awadzane navo
46vachiti, “Dai waro mangorega kutiitira zvakakodzerana nezviito zvedu zvakaipa asi mutiitire maererano netsiye dzenyu nyoro.”
47Saka Simoni akasvika pakubvumirana navo akabva arega kurwisana navo. Asi akavadzinga muguta imomo akachenura dzimba makanga muine zvifananidzo zvokunamata vakabva vapindamo vachiimba nokurumbidza.
48Akabvisa mariri zvose zvakan'ora akaisa imomo vanhu vainochengeta mutemo kuti vagaremo. Akasimbisa tsvingo dzaro, iye akazvivakirawo imba imomo.
Kudzingwa kwevechirudzi munhare yomuJerusaremu49Varume vakanga vari munhare yokuzvidzivirira nayo muhondo muJerusaremu vakadziviswa kubudamo nokudzoka vachienda munyika kundotenga kana kundotengesa. Nokudaro vakapindwa nenzara huru, vazhinji vavo vakaparara nenzara.
50Vakazochema kuna Simoni kuti pave nokuwadzana navo, iye akaita saizvozvo. Asi akavadzinga munhare imomo akachenura nhare iyoyo kun'oreswa kwayo.
51Pamusi wamakumi maviri nerechitatu wemwedzi wechipiri wegore rezana namakumi manomwe nerechiposhi, vaJudha vakapindamo nokurumbidza vaina mapazi omurara kuchiridzwa madimbwa namakwakwakwa outare zvipendani zvichidandaura nedzimbo nenziyo nokuti muvengi mukuru akanga akurirwa abviswa muIsiraeri.
52Simoni akatema chirevo chokuti gore negore vanhu vanofanira kuchengeta zuva guru iroro vachipembera nekufara. Akavakirira zvakasimba norusvingo Chikomo cheTemberi ruchitevedza nokwaienda nenhare iyoyo yokuzvidzivirira nayo muhondo, iye navarwi vake vaigaramo.
53Simoni akaona kuti mwanakomana wake Johani akanga ava munhu abva zero nokudaro akamuita mutungamiriri wehondo dzose dzevarwi akagara muguta reGaza.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.