2 Vatesaronika 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu.

2Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu.

3Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura.

4Naizvozvo isu pachedu tinodada nemi mumasangano aMwari nokuda kwokutsungirira kwenyu pakutenda mukutambudzwa kwenyu kose nenhamo dzamunotakurana nadzo.

5Zvose izvozvi zvinoratidza kugona kutonga kwaMwari kuti imi munokodzera kupinda muumambo hwaMwari hwamuri kutamburira

6uyewo nokuti Mwari anozviona chiri chinhu chinokodzera kutsividza nenhamo avo vanokutambudzai.

7Achakupai zororo pamwechete nesu imi muri kuoneswa nhamo kana Tenzi Jesu oratidzwa achibva kudenga navatumwa vake vane simba

8mumoto unonganduma. Achatsividza avo vasingazivi Mwari navavo vasingateereri Shoko Rakanaka raTenzi wedu Jesu.

9Vachatambura neshamhu yokuparadzwa zvisina mugumo uye vachabviswa pana Tenzi nekumbiri yesimba rake

10paanouya musi iwoyo kuzorumbidzwa muvatsvene vake uye kuzoyemurwa pamusana pavavo vakatenda kwaari nokuti makagamuchira kupupura kwedu.

11Pamusana paizvozvi tinonamata nguva dzose kuti Mwari wedu aite kuti imi muve vanhu vakakodzera kukudaidzai kwaakaita uye kuti aite kuti zvakanaka zvamunoda kuita zvechitendero zvibudirire nesimba rake,

12izvi kuri kuitira kuti zita raTenzi wedu Jesu rirumbidzwe mamuri imiwo murumbidzwe maari maererano nenyasha dzaMwari wedu nedzaTenzi Jesu Kristu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help