Judhisi 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kugarwa kwedare rezvehondo mumatendhe aHorofenesi

1Pazvakasvika munzeve dzaHorofenesi mutungamiriri mukuru wehondo yeAsiria kuti vanhu veIsiraeri vakanga vatogadzirira zvehondo uye kuti vakatodzivirira mipata yamakomo vakandodzivirirawo vari pamusoro pamakomo marefu ose, mumapani umu vakatoisa zvokudziviridza nazvo vanhu kudimura nomo,

2akaviruka nehasha, akabva adaidzira musangano wamachinda ose eMoabhu navatungamiriri vokwaAmoni namasadunhu enyika dzokumahombekombe kwegungwa

3akati kwavari, “Nhai vaKanani, ndiudzeiwo kuti vanhu rudzii chaizvo vanogara mumakomo umo? Maguta avanogara akaita sei chaizvo? Hondo yavo yakakura zvakadii? Panobva simba ravo nechivindi chavo ndapapi? Mambo anovatonga ndiani, anotungamirira hondo yavo?

4Uye chavapa kuti ivo voga voga pane vose vanogara kumadokero, vanobva zvavo vatoramba kubuda kuzoonana neni?”

5Ndokubva Akiori mutungamiriri wavaAmoni vose apindura achiti, “Changamire, chimbondinzwaiwo ini muranda wenyu ndichitaura nomuromo wangu uyu ndichimbokurondedzerai chokwadi nezvavanhu ava vanogara mudunhu ramakomo iri. Ini muranda wenyu nomuromo wangu uyu handisi kuzokutaurirai zvokunyepa.

6Vanhu ava, kudzinde kwavo chaiko kwavakabva, kuvanhu vechiKaridhia.

7Pane nguva yavakambogara kuMesopotamia nokuti vakanga vasingade kutevedza zvavamwari vamadzibaba avo vaiva muKaridhia

8sezvo vakanga vakanda pasi tsika dzamadzitateguru avo vonamata Mwari Wedenga, Mwari wavakanga vava kuziva. VaKaridhia vakavadzinga pana vamwari vavo, ivo vakatizira kuMesopotamia vakagarako kwenguva ndefu.

9Mwari wavo akavati vabve pavaigara vaende kunyika yeKanani. Ikoko vakagara zvakanaka vakapfuma nendarama nesirivha nemombe dzakawanda kwazvo.

10Kuzoti nzara yapararira muKanani, vakadzika kuIjipiti ndokugara ikoko nguva yose yavakanga vachiwanako chokudya. Ikoko vakazowanda zvokuva gurusvusvu chairo ravanhu, vakazowanda chaizvo zvokuti havaimboverengeka.

11Nezvo mambo weIjipiti akazovamukira akabva atoti ndatovawanirapo. Akavaita kuti vakanye zvidhina akavaninipisa achivaita varanda.

12Ndopavakachema kuna Mwari wavo, akarova nyika yeIjipiti yose namatenda asingarapiki. Naizvozvo vaIjipiti vakavadzinga kuti vabve zvavo pavari.

13Mwari akazoomesa Gungwa Dzvuku raiva pamberi pavo

14akavatungamirira nenzira yokuSinai nokuKadheshibharinea achidzinga vanhu vose vomugwenga imomo.

15Sokudaro vakagara munyika yevaAmori. Nesimba ravo, vakaparadza vanhu vose vaigara kuHeshibhoni. Vakayambuka Jorodhani vakatora nyika yose yamakomo iyi.

16Vakadzinga vaKanani nevaPerizi nevaJebhusi nevokuShikemu navaGirigashi vakagaramo kwenguva ndefu.

17Pavainge chete vasina kutadzira Mwari wavo, vaibudirira, nokuti Mwari haadi zvouipi.

18Asi pavainge vatsauka chete mugwara raakanga avatemera, vaibva vakurirwa zvokukurirwa zviya muhondo zhinji dzavairwa voitwa nhapwa vachiendwa navo kunyika yavatorwa. Temberi yaMwari wavo yakaparadzwa, vakatorerwa maguta avo navavengi vavo.

19Asi kutaura kuno, vakapindukirazve kuna Mwari wavo. Vakadzoka kubva kunzvimbo kwavakanga vamwarariswa. Vakasvikogara muJerusaremu mune nzvimbo yavo inoera ndokubva vaita misha yavo munyika yamakomo imomo nokuti makanga musina aigaramo.

20Saka zvino changamire, tenzi wangu, kana vanhu ava pane chimwe chavakakanganisa, chavakatadzira Mwari wavo, isu ngatizvitsvakei tiwane chavakatsaudzira, chacho ndopatingaende tikandovakurira.

21Asi kana rudzi rwavo rusina charwakakanganisa, pakadaro, changamire wangu, vanyenyeredzei zvenyu nokuti Tenzi wavo anovarwira, Mwari wavo anovadzivirira, isu tikazvisekesa zvedu nenyika yose.”

22Akiori paakapedza kutaura zvose izvozvi, varume vose vakanga vamire vakatenderedza tendhe iroro vakabva vatanga kun'urun'uta. Machinda aHorofenesi navarume vose vokumahombekombe kwegungwa nevokuMoabhu vakaramba vavavarira kuti aurayiwe nokuti

23vaiti, “VaIsiraeri hatimbovatya. Rudzi rwavanhu vasina nechivindi chose, kana simba zvaro rokumira muhondo!

24Saka isu ngatikwireiko changamire, Horofenesi, hondo yenyu huru igovatsakatisa!”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help