Nziyo 56 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, imbisa muimbiro erwiyo rwenjiva iri mumuti womumuoki uri kure, inhetembo yaDhavhidhi yaakaita paakabatwa navaFirisitia kuGati.Munamato wokuvimba naMwari

1Ndinzwireiwo tsitsi, Mwari

nokuti vanhu vanonditsika-tsika

nokuti vavengi vangu vanondionesa nhamo zuva rose.

2Mhandu dzangu dzinonditsika-tsika zuva rose

nokuti vanondirwisa vakawanda

Wokumusorosoro wee!

3Wokumusorosoro pandinenge ndavakutya ndinovimba nemi.

4Ndinovimba naMwari

ana mashoko andinorumbidza.

Ndinovimba naMwari ndisingatyi.

Vanhu vangandiiteiko?

5Zuva rose vanoisa napasipo zvandinotaura,

zvavanofunga ndezvokundikuvadza chete.

6Vanoungana pamwechete kundivandira

vachitarisa mafambiro angu

vachigaririra kuti vandiuraye.

7Naizvozvo varangirei mhosva yavo,

Mwari putsirai marudzi pasi.

8Munoziva kuyaura kwangu.

Chingidzirai misodzi yangu muguchu renyu redehwe.

Handiti zvakanyorwa mubhuku renyu here?

9Ipapo vavengi vangu vachadzoserwa shure

pazuva randinodanidzira.

Izvi ndinozviziva kuti Mwari

ari kudivi kwangu.

10Ndinovimba naMwari

ana mashoko andinorumbidza,

naTENZI ana mashoko andinorumbidza.

11Ndinovimba naMwari ndisingatyi.

Vanhu vangandiiteiko.

12Ndinofanira kuita zvakandatsidza

kwamuri Mwari.

Ndichapira kwamuri mupiro wangu wokutenda.

13Nokuti makandinunura kurufu

uye makumbo angu kuti arege kudzadzarika

kuti ndifambe pana Mwari

muchiedza choupenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help