Sira 48 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Eriya

1Kwakazomuka Eriya, ainge moto;

mazwi ake aipfuta sezhenje.

2Akauyisa nzara pavanhu;

uye pamusana peshungu dzake akaita kuti

vasare vava vashoma.

3Nezwi raMwari; akapfiga denga

uyewo akatozomotsa moto katatu.

Hakusi kurumbidzwa ikoko kwaiitwa iwe Eriya

nezviito zvako zvinoshamisa.

4“Hakusi kurumbidzwa ikoko

kwaunoitwa iwe Eriya, nezvishamiso zvako.

Pane angazvirumbidzewo sewe here?

5Wakamutsa munhu akanga afa, nezwi roWokumusorosoro

uchimuburitsa munzvimbo yavakafa.

6Iwe wakangondomesera pasi madzimambo kundoparadzwa,

kunyange vanhu vairemekedzeka vaiva pauriri

hwokurwara.

7Kutsiura wakakunzwa wani uri kuSinai

uye kurangwa kwakatemwa ukakunzwa uri kuHorebhu.

8Ndiwe wakazora madzimambo kuti atsividze,

nomuporofita kuti vave mutevedzeri wako.

9Wakakwidzwa kudenga nechamupupuri chomoto,

uri mungoro yamabhiza omoto.

10Zvakanyorwa kuti

uchauya kuzopodza hasha dzaMwari,

dzisati dzaputika

uchidzosera mwoyo yamadzibaba kuvanakomana vavo

nokudzorera pakare madzinza okwaJakobho.

11Zvavo avo vanokuona

naavowo vanofa murudo

uyewo isu zvokuva vapenyu, tichava vapenyu chete.”

Erisha

12Eriya akaputirwa nechamupupuri,

Erisha ndokubva azadzwa nemweya wake.

Paupenyu hwake hwose haana kumbodedera mutongi upi zvake,

kana naani zvake akamuisa pasi pesimba rake.

13Hapana chinhu chaakanga asingagoni kuita;

kunyange zvaakanga afa, chitunha chake chaiporofita.

14Achiri mupenyu aiita zvinoshamisa

afa, aingoramba achiita zvinoshamisa.

Kurangwa kwavakatyora mhiko

15Kunyange zvanga zvakadaro zvazvo vanhu havana

kumbopinduka zvavo.

Havana kusiya zvivi zvavo

kusvikira vatakurwa vachiendwa navo kuutapwa

vachiparadzirwa pasi pose.

16Kwakangosara chitsama,

chichitongwa nowemba yaDhavhidhi.

Vamwe vavo vaiita zvinofadza Mwari,

vamwewo vaitovirikidza zvitadzo.

Hezekiya

17Hezekiya akasimbaradza rusvingo rweguta rake,

akapinza mvura mukati maro akaicherera nesimbi mudombo

ndokuvaka matsime okuichengetera.

18Panguva yake Senakeribhu akauya ndokutumira

mutariri mukuru wezvomuzinda wake kundorwisa guta reZioni,

akadada mukutsvinya kwake.

19Vanhu vakabatira ura mumaoko,

vakatambudzika vakadedera somukadzi ava kusununguka.

20Vakachema kuna Mwari ane tsitsi,

vachisimudzira maoko avo kwaari.

Pakarepo Anoera akavanzwa kudenga uku

akashandisa Isaya kuvanunura,

21Tenzi akapaza musasa wavaAsiriya,

mutumwa wake akavatsakatisa.

Isaya

22Izvi zvakaitika nokuti Hezekiya aifadza Mwari.

Aisimbirira kutevera nzira dzababa vake Dhavhidhi

sokuudzwa kwaaiitwa naIsaya muporofita,

munhu akanga ari mukuru mukuru

akatendeka mune zvaioneswa.

23Panguva yake akambodzorera zuva shure;

akarebesa upenyu hwamambo.

24Nesimba romweya akaona magumo ezvinhu

akanyaradza vaichema muZioni.

25Akafanotaura zvichazoitika kusvikira musi wemhedziso,

uye zvakanga zvakavandika zvisati zvaitika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help