1TENZI Mwari akandionesa chiratidzo: Muchiratidzo ichochi ndakaona achisika bute rehwiza mushure mokunge mambo apedza kucheka uswa hwezvipfuwo zvake napanguva yakwakanga kwava kutunga uswiswi.
2Padzakanga dzapedza kudya uswa kwenyika ino, ini ndakati,
“Nhai TENZI Mwari,
ndateterera doregererai!
Jakobho; angapamire sei chaizvo
iye ari mudiki kudai?
3TENZI akadzora mwoyo
panyaya iyoyi.
TENZI ndokuti, ‘Hazvichaitika.’ ”
Chiratidzo chomoto4TENZI Mwari akandionesazve chimwe chiratidzo. Muchiratidzo ichocho TENZI Mwari akanga achigadzirira kuranga vanhu nomoto. Moto iwoyu wakapisa hwenje hwegungwa ndokubva wanhanhirawo kundopisa nyika.
5Ndipo pandakati,
“Nhai TENZI Mwari,
ndateterera regai zvenyu kudaro
Jakobho angapamire sei chaizvo
ari mudiki kudai!”
6TENZI akadzora mwoyo
panyaya iyoyi,
iye TENZI Mwari ndokuti,
“Izvozviwo izvi hazvichaitika.”
Chiratidzo chetambo yokuera nayo7Mwari akandionesawo izvi. Ndakaona TENZI amire panyasi porusvingo rwakavakwa pachishandiswa tambo yokuvakisa yokueresa nayo kutwasuka kworusvingo kuenda kumusoro. Akanga akabata muruoko tambo yacho yokuvakisa.
8TENZI akanditi, “Nhai Amosi, chii chauri kuona?”
Ini ndakati, “Tambo yokuera nayo kutwasuka.”
TENZI ndokubva ati,
“Chinzwa,
ndava kuisa tambo yokueresa nayo kutwasuka
pakati pavanhu vangu vaIsiraeri
Handichazombofazve ndakapfuura napavari.
9Nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira
dzokwaIsaki, dzichaparadzwa,
neNzvimbo Dzinoera dzokwaIsiraeri
dzichaparadzwa.
Ndichamukira imba yaJerobhoamu nebakatwa.”
Muporofita Amosi naAmaziya mupristi10Ipapo Amaziya, mupristi wokuBhetieri, akatumira shoko kuna Jerobhoamu, mambo wokwaIsiraeri, rokuti, “Amosi ari kukupandukirai mukati memba yevokwaIsiraeri. Zvose zviri kubuda pamuromo pake apa, nyika haichagona kutakurana nazvo
11nokuti Amosi ari kuti,
“ ‘Jerobhoamu achafa rufu rwebakatwa rehondo,
uye kuti vokwaIsiraeri,
vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
12Amaziya akati kuna Amosi, “Iwe muoni chibva, utizire kunyika yokwaJudha uwane chokudya chako ikoko, uchiporofita uri ikoko.
13Asi usambofa wakazoporofitazve pano paBhetieri nokuti pano apa, iNzvimbo Inoera yamambo iTemberi yenyika.”
14Amosi ndokupindura Amaziya achiti, “Handisi muporofita ini, kana mumwe webato revaporofita. Asi ndinotova mufudzi nomuchengetedzi weminda yamaonde.
15Saka TENZI ndiye akandibvisa mukufudza mombe, iye TENZI ndiye akanditi, ‘Enda undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’
16“Saka zvino chinzwai shoko raTENZI,
iyemi muri kuti,
‘Rega kuporofita pamusoro peIsiraeri
uye rega kuparidza
uchitsoropodza imba yokwaIsaki.’
17Naizvozvo zvanzi naTENZI,
‘Mudzimai wenyu
achava pfambi muguta muno,
vana venyu vakomana navasikana
vachafa rufu rwepfumo
Nyika yenyu imi ichagovanwa.
Iyemi pachenyu muchafira
kunyika yakan'ora,
uye vaIsiraeri vachatoendwa navo chete
kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.