1Imbirai TENZI rumbo rutsva
nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa,
simba rorudyi rwake
nereruoko rwake rutsvene
ndizvo zvakakupai kukunda.
2Mwari akaratidza kukunda kwake
akazivisa kukunda kwake
pamberi pamarudzi.
3Akarangarira mwoyochena wake
nokutendeka kwake
kuimba yokwaIsiraeri.
Pasi pose kusvika kwayakaperera pakaoma
kukunda kwaMwari wedu.
4Pururudzirai TENZI nokufara
pasi pose
shaurai rumbo rworufaro
muimbe muchirumbidza.
5Imbirai TENZI nechipendani
nechipendani kuchiimbwa rumbo
6namabhosvo nehwamanda
pururudzirai kuvapo kwaMambo TENZI.
7Gungwa ngaritinhire
nazvose zvizeremo,
pasi pose navagerepo.
8Mapopopo ngaaombere maoko,
makomo ngaaimbe norufaro pamwechete.
9Ngaaimbe pana TENZI
nokuti ari kuuya
kuzotonga nyika.
Achatonga pasi pose noururami
uye achatonga vanhu noruenzaniso.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.