Zvakaratidzwa 20 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Chiuru chamakore

1Ndakazoona mumwe mutumwa

achiburuka kudenga akabata muruoko rwake

kiyi yegomba risina parinoperera nengetani huru.

2Akabata zigaranyanya riya,

zinyoka rapasichigare riya

rinonzi Dhiabhori kana kuti Satani

ndokumusunga kwamakore ane chiuru

ndokumukanda mugomba riya.

3Akarizarira ndokumunamiriramo

kuti aregezve kunyengedza marudzi

kusvikira makore ane chiuru aya apera.

Mushure maizvozvo anofanira

kumbosunungurwa kwenguva diki.

4Zvino ndakazoona zvigaro zvoumambo.

Vakanga vagere pazviri

ndivo vakapiwa simba rokutonga

uye ndakaonawo mweya yavavo

vakanga vadimburwa musoro

pamusana pokupupurira kwavo Jesu

uye pamusana peshoko raMwari

uye pamusana pokuti havana kunamata chikara

kana kunamata chifananidzo chacho

kana kuiswa mucherechedzo wacho

pahuma dzavo kana pamaoko avo.

Vakamukazve vakatonga naKristu

kwechiuru chamakore.

5Vamwe vafi vose havana kumuka

kusvikira chiuru chamakore chiya chapera,

uku ndiko kumuka muvafi kokutanga.

6Akakomborerwa zvake uye mutsvene

munhu uyo anenge ari mumwe waavo

vapakumuka kokutanga ikoko.

Pane vakadai, rufu rwechipiri haruna simba

asi vachava vapristi vaMwari naKristu,

vachatonga naiye kwechiuru chamakore.

Kukurirwa kwaSatani

7Panopera chiuru chamakore

Satani achasunungurwa mujeri rake.

8Achabuda kundonyengedza marudzi

ari kumativi mana enyika,

Ndivo vana Gogu nanaMagogu

achavaunganidzira kurwa hondo

vakawanda sejecha regungwa.

9Vachafamba nenyika yose,

vakakomberedza musasa wavatsvene neguta rapamwoyo

asi moto uchatozomoka mudenga uchivaroromesa.

10Dhiabhori akanga avanyengedza

achakandwa muzidziva romoto nesarufa

mune chikara chiya nomuporofita wenhema uya,

vachaoneswa nhamo siku nesikati narini narini.Kutonga kokupedzisira

11Ndakazoona chigaro chikuru chichena choumambo

naiye akanga agerepo.

Nyika nedenga zvakatiza kubva paari

zvakabva zvava zvinhu pasina.

12Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku

vakamira pamberi pechigaro choumambo.

Mabhuku akazarurwa.

Kwakazarurwawo rimwe bhuku.

Iroro ndiro bhuku roupenyu.

Vakafa vakatongwa

maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo

zvichifambirana nezvavakanga vaita.

13Gungwa rakaburitsa vakafa vaiva mariri.

Rufu nenzvimbo yavafi zvakaburitsawo vakafa

vakanga vari mazviri;

vose vakatongwa maererano nezvavakanga vaita.

14Rufu nenzvimbo yorufu

zvakakandwa muzidziva romoto.

Urwu ndirwo rufu rwechipiri;

dziva romoto.

15Kana zita romunhu rikashaikwa risina kunyorwa

mubhuku iroro roupenyu,

munhu iyeyo anokandwa mudziva riya romoto.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help