Kubuda 19 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

III: CHITENDERANO PAGOMO RESINAIA. CHITENDERANO NEMITEMO GUMIVaIsiraeri paGomo reSinai

1Pazuva chairo rakapera mwedzi mitatu yokubva kwavo kuIjipiti vaIsiraeri vakasvika murenje ReSinai.

2VaIsiraeri vakanga vabva kuRefidhimu vakasvika murenje reSinai vakadzika matendhe avo pakatarisana negomo.

3Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari.

Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti,

4‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri.

5Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu.

6Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ”

7Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi.

8Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu.

9Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Ndichauya kwamuri ndiri mugore rakasviba kuti ndindo-o, kuitira kuti vanhu vandinzwe ndichitaura newe, naizvozvo vachazogara vachiti rawareva ndiroro.”

Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu.

10Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda undoti vaIsiraeri ngavazvinatse nhasi namangwana, vasuke hanzu dzavo,

11vange vagadzirira pazuva retatu nokuti pazuva retatu ini Tenzi ndichauya pamusoro peGomo reSinai vanhu vose vachiona.

12Iwe unofanira kutarira vanhu muganho unoripoteredza kuti varege kudarika muganho iwoyo vachikwira mugomo kana kuswedera mujinga maro. Kuwana anorigunzva anotourayiwa chete.

13Asaite kana zvokubatwa namaoko. Ngaaite zvokutemwa namabwe kana kupfurwa nomuseve, ingave mhuka kana munhu chaiye urayai chete. Vanhu vanotozouya kugomo kana hwamanda yaridzwa zvakati rebei.”

14Mosesi akaburuka mugomo umu oenda kuvanhu. Akandotaurira vaIsiraeri kuti vazvinatse; vakasuka hanzu dzavo.

15Mosesi akaudza vanhu kuti, “Gadzirirai kubvira nhasi kusvikira pazuva retatu, pasava naanopinda mumba nomukadzi.”

16Pazuva retatu, mangwanani, mugomo makafumonzwikwa kutinhira nemheni, pagomo pakava negore rakati kwirindindi, kwakanzwikwawo kurira kukuru kwehwamanda, vanhu vose vakadedera nokutya mumatendhe.

17Mosesi akabva navanhu kumatendhe akauya navo kuzosangana naMwari, vanhu vakasvikomira mujinga megomo.

18Gomo rose reSinai rakati gude gude kufukidzwa noutsi, nokuti Tenzi akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakati togo-o sokunge huri kubva muvira romoto. Gomo rose rakandengendeka zvikuru.

19Kuzoti ruzha rwehwamanda rwanyanya kuramba ruchikura, Mosesi akataura. Tenzi akamupindura nezwi raiita zvokutinhira.

20Ipapo Tenzi akaburukira pamusoro peGomo reSinai, akadaidzira kuna Mosesi kuti akwire pamusoro pegomo, Mosesi ndokukwira.

21Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Buruka undoyambira vanhu kuti varege kudarika muganho vachida kundiona nokuti vakangodaro vazhinji pakati pavo vangafe.

22Kunyangewo vapristi vanouya pedyo neni Tenzi vanofanira kunge vatozvinatsawo. Kana vakarega kudaro iyeni Tenzi ndinovaparadza.”

23Mosesi akapindura Tenzi achiti, “Vanhu havangagoni kukwira mugomo muno reSinai nokuti imi pachenyu makatiti tiripoteredze nomuganho, tirierese.”

24Tenzi akamuti, “Chiburuka undouya naAroni. Vapristi navanhu ngavarege kudarika muganho, kana kukwira kuno kwandiri. Kana vakadaro ndichavaparadza.”

25Mosesi akaburuka akandoudza vanhu izvozvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help