Muparidzi 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Hapana munhu asingafi

1Izvozvi zvose ndakazviongorora mumwoyo mangu ndichinyatsozviongorora ndikazviona kuti zviito zvavakarurama navangwaru zviri mumaoko aMwari,

zvingave rudo kana ruvengo

munhu haangazvizivi.

Kwatiri vanhu

zvose zvinenge zvisinganzwisisiki.

2Nokuti chinowira mumwe,

ndicho chinowira vose,

kungave kumururami kana kumuipi

kuna vakanaka kana kuna vakaipa

kuna vatsvene kana kuna vakan'ora

kuna anopira chibayiro kana kuna asingapiri chibayiro.

Zvakangofanana kumururami nokumutadzi.

Anopika mhiko naasingapiki mhiko zvakangofanana.

3Izvi ndozvakaipa pane zvose zvinoitika pasi pedenga zvokuti tinowirwa nenhamo imwecheteyo. Chimwezve ndechokuti mwoyo yavanhu izere nouipi. Kana vari vapenyu chete kupenga kurimo mumwoyo yavo, mushure macho vanoenda kuvafi.

4Asi munhu achiri mupenyu navamwe vose vapenyu anechitarisiro nokuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.

5Chandinodariro ndechokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa asi vakafa havana zvavanoziva. Mubayiro havachisina uye zvokuyeukwa hapachina.

6Rudo rwavo, noruvengo rwavo, uye shanje yavo zvakaparara. Havachisina kana mugove zvavo narini wose pazvinhu zvinoitwa pasi pedenga

7Enda udye chokudya chako nomufaro

unwe waini yako nemwoyo unofara

nokuti Mwari anofadzwa nezviito zvako.

8Gara wakapfeka zvichena.

Gara wakazora mafuta mumusoro.

9Gara uchifara nomukadzi wepamwoyo pako

mazuva ako ose ohupenyu hwako husina maturo

aakakupa pasi pedenga

nokuti ndiwo mugove wako paupenyu

uye pabasa rako

raunoshingaira kuita pasi pedenga.

10Chaunenge wagona kuita namaoko ako

chiite nesimba rako rose

nokuti kunzvimbo yavafi kwauri kuenda

hakuna basa kana pfungwa kana ruzivo kana ungwaru.

11Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti

shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose.

Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo

vangwaru havasivo vanowana chokudya

vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi,

mhizha hadzisidzo dzinobudirira

nguva yavanayo imwechete

uye zvinowira mumwe zvinowira vose.

Musi nenguva yokufa kwako

12Munhu haazivi nguva yake.

Sezvinoitwa hove

dzinobatwa mumumbure wakaipa

uye seshiri dzinobatwa parugombe

ndizvo zvine vanhu

vanobatwa panguva yakaipa

pazvinongoerekana zvavawira.

Ungwaru noupenzi

13Chimwewo chandakaona soungwaru ndechichi pasi pedenga uye kwandiri chinhu chikuru.

14Paivapo kamwe kaguta kaive navanhu vashoma makari. Mumwe mambo akakavinga akakakomba. Akavaka zvokukakomba nazvo.

15Mukaguta ikako maiva nemurombo mungwaru. Noungwaru hwake akanunura kaguta ikako asi hapana akamboyeuka murombo iyeyo.

16Asi chandinotaura ndechokuti

ungwaru huri nani pane simba.

Kunyange zvazvo ungwaru hwomurombo huchishorwa

uye mazwi ake asingateererwi.

17Mashoko oungwaru anofanira kuteererwa

kupinda kushevedzera kwomutungamiri

anodaidzira pakati pemapenzi.

18Ungwaru huri nani pane zvombo zvehondo

asi mutadzi mumwechete

anogona kuparadza zvizhinji zvakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help