Tsumo 30 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

VI: TSUMO DZAAGURI

1Mashoko aAguri mwanakomana

waJake wokuMasa.

Gamba irori rakataura

kuna Itieri kuna Itieri naUkari richiti,

2“Ndiri benzi chairo romunhu,

handinzwisisi somunhu.

3Handina kudzidza ungwaru

uye iye Anoera handimuzivi.

4Ko ndiani akambokwira kudenga akaburuka?

Ndiani ati aunganidza mhepo muchanza chake?

Ndiani amboti aputira mvura mujira?

Ndiani akaisa miganhu yose yenyika?

Zita rake ndiani, mwana wake mukomana zita rake ndiani,

kana uchiriziva?

5Izwi roga roga raMwari

rakaoneswa kuti nderechokwadi.

Ndiye nhoo yavanopotera kwaari.”

6Usawedzere kumazwi ake

angadaro akakutsiura

wozoonekwa kuti uri munyepi.

7Ndinokukumbirai zvinhu zviviri ndisati ndafa,

musandinyime.

8Ndibvisirei pandiri kunyepa nokureva nhemha

musandipe kupfuma kana kuva murombo.

Ndipeiwo chikamu changu chokudya.

9Ndingadaro ndikati tundu kuzara

ndikazokurambai ndichiti

Tenzi ndiani

kana kuti ndingazova murombo ndikaba,

ndikazoshoresa zita raMwari wangu.

10Rega kuudzisira muranda kuna tenzi wake

angadaro akakurengerera rushambwa ukazova nemhosva.

11Kuna vamwe vanhu vanorengerera madzibaba avo rushambwa

vasingati amai vavo ngavakomborerwe.

12Kuna vamwe vanhu vanozviona savakachena

asi ivo vasina kuchenurwa pakun'ora kwavo.

13Kuna vamwe vanhu;

katarisiro kavo ndokokuzvikudza chaiko

matarisiro avo kuzvida koga-koga.

14Pana vanhu vane meno anenge mapakatwa

mazino avo mapanga chaiwo

okuzhanya nawo varombo panyika

navasina chavanacho pakati pavanhu.

VII: ZVINHU ZVINA MAITIRO ANOSHAMISA

15Chikwekwe chine vana vaviri: Ndipe naNdipe.

Pane zvinhu zvitatu zvisingaguti

kutosvika zvina zvisingati ndaguta

16ndezvizvi zvinoti: Nzvimbo yavafi

mukadzi asina mbereko

nyika isingaguti mvura

nemoto usingati zvakwana.

17Munhu aneziso rinoshora baba

risingade kuona zvokuteerera amai

achachochonhwa namakunguwo omubani;

achadyiwa namagora.

18Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo

zvinotosvika zvina zvandisinganzwisisi,

19zvinoti: Nzira yegondo mudenga

nzira yenyoka paruware

nzira yechikepe mugungwa guru

maitiro omurume nomusikana.

20Ndizvo zvinoita pfambi

inodya yopukuta muromo

yoti hapana kutadza kwandaita.

21Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika

kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti:

22Muranda anova mambo,

benzi kana raguta,

23mukadzi asingadiwe azowana murume

uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba.

24Pane zvinhu zvina panyika zvidiki zvazvo

asi zvina ungwaru, ndezvizvi zvinoti:

25Masvosve rudzi rusina simba

asi anozviunganidzira chokudya pazhizha.

26Mbira hadzisi rudzi rune simba

asi dzinoita misha yadzo mumabwe.

27Mhashu hadzina mambo

asi dzinofamba dzakaita rundaza.

28Unogona kubata dzvinyu muruoko

asi woriwana riri mumuzinda wamambo.

29Kune zvinhu zvitatu zvinozvidadisa pakufamba

kutosvika zvina zvinozvikakanyadza

30kunoti shumba ine simba kupinda dzimwe

mhuka isina yainozeza

31kwouya jongwe rinokekeredzera,

kwotiwo gotora

namambo ana varwi vake.

32Kana wakaita upenzi hokuzvitutumadza

kana une twawanga uchironga twakaipa

bata muromo wako.

33Kusvina mukaka kunowanisa ruomba

kudzvanya mhuno kunobudisisa ropa,

saizvozvo kudzvikinyidza hasha kunomutsa gakava.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help