1TENZI ratidzai kuti handina mhosva
nokuti ndakafamba muchokwadi
uye ndakavimba nemi TENZI ndisingazunguziki
2Ndivhenekei TENZI mundiedze
munyatsopenengura pfungwa dzangu
nemwoyo wangu.
3Nokuti mwoyochena wenyu
ndinogara ndichiuona
uye ndinofamba ndakatendeka kwamuri.
4Handigare navanyengedzi
kana kufambidzana navasiri pachokwadi.
5Ndinovenga gungano ravakaipa
uye handitandare navakaipa.
6Ndinoshamba maoko angu ndisina mhosva.
Ndigotendererawo atari yenyu TENZI
7ndichiimba rwiyo rwokutenda
ndichiparidza zvamakaita zvinoshamisa.
8TENZI, ini ndinoda Imba yamunogara,
nzvimbo inogara mbiri yenyu.
9Musanditsvaire pamwechete navatadzi
kana kutsvaira upenyu hwangu
pamwechete navaurai,
10vanhu vana maoko oujarijari,
vazere muruoko rworudyi nepfumbamuromo.
11Asi kana ndirini ndinofamba pachokwadi.
Ndinunurei mundinzwirewo ngoni.
12Tsoka yangu iri pakati sandara,
mukati megungano guru
ndicharumbidza, TENZI.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.