Nziyo 26 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Munamato womunhu asina mhosva

1TENZI ratidzai kuti handina mhosva

nokuti ndakafamba muchokwadi

uye ndakavimba nemi TENZI ndisingazunguziki

2Ndivhenekei TENZI mundiedze

munyatsopenengura pfungwa dzangu

nemwoyo wangu.

3Nokuti mwoyochena wenyu

ndinogara ndichiuona

uye ndinofamba ndakatendeka kwamuri.

4Handigare navanyengedzi

kana kufambidzana navasiri pachokwadi.

5Ndinovenga gungano ravakaipa

uye handitandare navakaipa.

6Ndinoshamba maoko angu ndisina mhosva.

Ndigotendererawo atari yenyu TENZI

7ndichiimba rwiyo rwokutenda

ndichiparidza zvamakaita zvinoshamisa.

8TENZI, ini ndinoda Imba yamunogara,

nzvimbo inogara mbiri yenyu.

9Musanditsvaire pamwechete navatadzi

kana kutsvaira upenyu hwangu

pamwechete navaurai,

10vanhu vana maoko oujarijari,

vazere muruoko rworudyi nepfumbamuromo.

11Asi kana ndirini ndinofamba pachokwadi.

Ndinunurei mundinzwirewo ngoni.

12Tsoka yangu iri pakati sandara,

mukati megungano guru

ndicharumbidza, TENZI.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help