Ezekieri 31 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Ijipiti inoenzaniswa nomuti womusidhari

1Mugore regumi nechiposhi mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga romwedzi iwoyu, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

2“Mwanakomana womunhu iti kuna Farao mambo weIjipiti nokuhuzhinji hwenyika yeIjipiti:

“Ndiani waungafananidzwe naye chaizvo

paukuru hwako?

3SeAsiriaka! Yakanga yakaita

somuti womusidhari wokuRebhanoni

namapazi anoyevedza

mumvuri wesango,

wakareba zvikuru kwazvo

zvokuti dzu-u kumira

mukati megwindingwi chairo resango.

4Mvura zhinji yakauwanisa zvokudya,

mvura yapasi pevhu yakaukudza,

tukova twaierera kutenderera

pawakanga umire pose

pachiita makoronga

kumiti yose yesango.

5Naizvozvo iwo wakachiti dzu-u kureba

pamusoro pemiti yose yesango.

Mapazi awo akava makuru,

matavi awo akareba

pamusana pemvura zhinji.

6Shiri dzose dzedenga

dzakaita matendere adzo

mumapazi awo,

mhuka dzose dzakaberekera vana vadzo

pasi pamapazi awo,

marudzi ose avanhu makuru

akaita musha wawo mumumvuri wawo.

7Kukura kwawakanga wakaita kwaiyevedza,

nomureberowo wakanga wakaita mapazi awo

nokuti midzi yawo

yaienda kumvura yakawanda.

8Pamisidhari yaiva mumunda waMwari

hapana waiupfuura kureba,

kunyange musaipurasi zvawo

waimboenzana nawo mapazi awo.

Pamapazi, muti iwoyo

mupureni hahwaimbopasvika.

Hapana muti mumunda waMwari

waienzana nawo parunako.

9Ndakaita kuti uve unoyevedza

nezanzwe rokuwanda kwamapazi awo

miti yose yomuEdheni,

yaiva mumunda waMwari yakauitira shanje.

10“Naizvozvo, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Pamusana pokuti wakarebaka iwe kuita nhungamakore chaiyo mukati megwindingwi resango ukava nomwoyo wokuzvikudza nourefu hwako ihwohwo,

11naizvozvo ini ndichakuisa mumaoko momumwe ana masimba pakati pamarudzi avanhu, achaita kwauri zvakakodzerana nokuipa kwako. Ndakakurasa ini.

12Vatorwa, vanhu vorudzi rwakaipisa kwazvo vacharitemera pasi vagorisiya rakadaro. Matavi awo achawira pamakomo nomumapani ese. Uye mapazi awo akatyoka achati kata kata pasi munoyerera nemvura munyika iyoyo. Vanhu vose vapasi pano vachabva mumumvuri mawo vachiusiya.

13Pamatongo pawo ndipo pachagara shiri dzose dzedenga uye pamapazi pawo paine mhuka dzose dzesango.

14Zvose izvozvi, kuri kuitira kuti kurege kuva nomuti unokura pedyo nemvura zvokuti unoreba kuti dzu-u mugwindingwi resango, uye kuti parege kuva nomuti unonwa mvura zvokureba saivo nokuti chavo chavatemerwa kufa nokuenda pasi pasi penyika pakati pavanhu pamwechete navanodzika kugomba.’ ”

15Zvanzi naTenzi Mwari, “Pauchadzika kunzvimbo yavashakabvu, ndichaita kuti uchemwe ndichamisa nzizi dzawo uye mvura zhinji ichamiswa. Ndichapfekedza Rebhanoni nhamo yokuuchema, miti yese yesango ichanava pamusana pawo.

16Ndichaita kuti marudzi adedere nokuriridza kwokuwa kwawo, pandichaukanda pakadzika munzvimbo yavachakabvu pamwechete navanodzika kugomba. Izvozvo miti yose yomuEdheni inoyevedza yakanakisisa yeRebhanoni yose zvayo inonwa mvura ichanyaradzwa pasi pasi penyika ipapo.

17Naiyowo ichadzika kunzvimbo yavachakabvu nawo kune vakaurayiwa nebakatwa, vayawo vakaita misha mumumvuri mawo pakati pamarudzi avanhu vachaparara.

18“Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help