Tsumo 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Imba youngwaru

1Ungwaru hwakazvivakira imba,

hwakazvivezera misimboti minomwe.

2Hwabaya zvibayiro zvahwo,

hwasanganisa waini yahwo

uye hwagadzira tafura yahwo.

3Hwatuma vasikana vahwo vebasa kundokokera

vari panzvimbo dzakakwirira dzeguta.

4Kana uri munhuwo zvako

tsaukira nepano

kumunhu wose asina mano hunoti kwauri,

5“Uyai mudye chingwa changu

munwe waini yandasanganisa.

6Siyanai nokusanzwisisa murarame

mutevere nzira inoratidza kunzwisisa.”

7Anodzora anoshora,

chake kunyombwa

uye anotsiura munhu wakaipa

anozviparira mavanga.

8Usatsiure anoshora,

nokuti anozokuvenga

ukatsiura mungwaru anokuda.

9Kupa mungwaru,

kutomuwedzera ungwaru.

Dzidzisa mururami

dzidzo yake inotowedzerwa

10Kutya Tenzi

ndiyo mviromviro youngwaru.

Kuziva iye Anoera

ndiko kunzwisisa ikoko

11nokuti nokwandiri mazuva ako anowanziridzwa

uye makore anopamhidzirwa

kuupenyu hwako.

12Kana wakangwara zvinobatsira iwe

kana uri munhu wokunyomba

nhamo ndeyako.

Mukadzi anotaurisa igomba rakadzika

13Rema romukadzi mukadzi anotaurisa,

mukadzi asingazvibati asinganyari.

14Anongoti go kugara pamusuo wemba yake,

anondogara panzvimbo dzakatunhumara dzomuguta,

15achidaidzira kuna vanopfuura nenzira

vanenge vakanangana zvavo nerwendo rwavo

16achiti, “Kana uri munhuwo zvako

tsaukira napano”

kumunhu asina mano anoti,

17“Inga wani mvura yokuba inotapira

uye chingwa chokudya muchivande chinonaka.”

18Murume anenge asingazivi kuti ipapa pana vakafa

uye kuti vaenzi vomukadzi uyu

vari pasi pasi penzvimbo yavafi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help