1Ndini Pauro ndakaitwa mupositori waKristu Jesu chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai imi vatsvene uye vanhu vakatendeka muna Kristu Jesu.
2Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngaakuitirei nyasha akupei rugare.
I: ZVAKAVANDIKA ZVORUPONESO NEZVAMAMIRIRO AKAITA SANGANOZvirongwa zvaMwari zvoruponeso3Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu
akatikomborera muna Kristu;
akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga.
4Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa
kuti tive vatsvene
vakarurama pamberi pake.
5Mwari, nechido chake,
zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu
kuti tive vana vake murudo,
6kuti Mwari arumbidzwe
pamusana penyasha dzake dzisingatauriki
dzaakatiitira nokuMwanakomana wake
wapamwoyo pasina muripo.
7Nokwaari takawana ruponeso neropa rake
rwokuregererwa zvikanganiso zvedu,
maererano nokuwanda kwenyasha dzake
8dzaakatipavhurira.
9Noungwaru hwose
uye zviri pachenawo,
akatizivisa zvinhu zvakavandika,
maererano nechinangwa chake
chaakanga anacho muna Kristu
10chourongwa hwake hwokuti
kana nguva yakwana,
abatanidze zvinhu zvose,
zviri kudenga nezviri pasi
agozviisa pasi paKristu.
11Maari,
sokutemwa kwazvakaitwa
muurongwa huri kushanda muna zvose,
nokuti chakanga chiri chido chake,
12isu takatanga kuva
nechitarisiro muna Kristu,
takasarudzwa tikapiwa basa
rokurumbidza mbiri yake.
13Zvino, kana imiwo,
muna Kristu,
makanzwa shoko rechokwadi
neShoko Rakanaka roruponeso rwenyu,
mukatenda maari,
makaiswa rupawo rwaMweya Mutsvene wechivimbiso.
14Mweya Mutsvene ndiye rubatso
rwenhaka yedu kusvikira taiwana,
mbiri yaMwari ichibva yarumbidzwa.
Ukuru ukuru hwaKristu15Naizvozvo kana iniwo pandakanzwa zvechitendero chenyu muna Tenzi Jesu uye rudo rwenyu kuna vatsvene vose
16handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti,
17“Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive
18uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka yake inomukurumbira inowanikwa navatsvene
19uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru
20raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga.
21Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga.
22Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamuita musoro wezvinhu zvose musangano
23riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.