1 Nhoroondo 25 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vaimbi vepamba yaTenzi

1Dhavhidhi navakuru vakuru vebasa racho vakasarudzawo vokuita basa, vamwe vevanakomana vokwaAsafu nevokwaHemani nevokwaJedhutuni kuti vave vokuporofita kana kwaridzwa zvipendani namadimbwa namakwakwakwa outare. Mazita avanhu vakanyorwa vokuita basa iri namabasa avo akamira akadai izvi:

2kuvanakomana vokwaAsafu paiti Zakuri

naJosefi naNetaniya naAsharera.

Vana vaAsafu vaitungamirirwa naiye Asafu

vachizviita vari mumaoko amambo,

3kune vokwaAjedhutuni, vana vaiye Jedhutuni

paiti Gedhariya naZeri naJeshaya naShimei

naHashabhiya naMatitiya vari vatanhatu kudaro.

Vaingewo vachitungamirirwa nababa wavo Jedhutuni

vaiporofitawo kwaridzwa zvipendani vachitenda

nokurumbidza Tenzi;

4kune vokwaHemani, vanakomana vaHemani

paiva naBhukiya naMataniya naUzieri

kwouya Shubhaeri naJerimoti naHananiya naHanani

kwoti Eriyata naGidhariti naRomamitiezeru

kwozouya Joshibhekasha naMaroti naHotiri naMahazioti.

5Vose ivava vaiva vanakomana vaHemani muoni wokwamambo maereranowo nechitsidzo chaMwari chokuvakwidziridza nokuti Mwari aiva apa Hemani vana vakomana gumi navana navana vasikana vatatu.

6Vose ivava vaitungamirirwa nababa wavo mune zvokuimba izvi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani pane zvainge zvichiitwa mumba yaMwari. Zvaiitwa naAsafu naJedhutuni naHemani vaizviita vari mumaoko amambo.

7Uwandi hwavo pamwechete nehama dzavo hwevakanga vadzidziswa kuimbira Tenzi, vose zvavo vaiva noumhisha hwacho vakanga vari mazana maviri ane makumi masere ane vanhu vasere.

8Vakavagovanisa mabasa avo nechin'ange zvimwechetezvo mukuru nomudiki, mudzidzisi nomudzidzi.

9Kune vokwaAsafu,

pakutanga chin'ange chakaenda kuna Josefi

pechipiri kuna Gedhariya

iye nehama dzake navanakomana vake,

vari gumi navaviri;

10pechitatu kuna Zakuri, iye navanakomana vake,

nehama dzakewo, vari gumi navaviri;

11pechina kuna Iziri navanakomana vake,

nehama dzake, vari gumi navaviri;

12pechishanu kuna Netaniya

navanawo vake vakomana nehama dzakewo,

vari gumi navaviri;

13pechitanhatu kuna Bhukiya

navanakomana vakewo nehama dzake,

vari gumi navaviri;

14pechinomwe kuna Jesharera

navanakomana vake nehamawo dzake,

vari gumi navaviri;

15pechisere kuna Jeshaya

navanakomanawo vake nehama dzake,

vari gumiwo navaviri;

16pechipfumbamwe kuna Mataniya

navana vakewo vakomana nehama dzake,

vari gumi navaviri;

17pechigumi kuna Shimei

navana vakomana vake nehama dzake,

vari gumi navaviri;

18pegumi nechiposhi kuna Azareri

navana vake vakomana nehama dzake,

vari gumi navaviri;

19pegumi nechipiri kuna Hashabhiya

navanakomana vakewo nehama dzake,

vari gumi navaviri;

20pegumi nechitatu kuna Shubhaeri

navanawo vakomana vake nehama dzake,

vari gumi navaviri;

21pegumi nechina kuna Matitiya

navanakomana vake nehama dzake,

vari gumi navaviri;

22pegumi nechishanu kuna Jeremoti

navanakomanawo vake nehama dzake,

vari gumi navaviri;

23pegumi nechitanhatu kuna Hananiya

navanakomana vakewo nehama dzake,

vari gumi navaviri;

24pegumi nechinomwe kuna Joshibhekasha

navanakomana vake nehamawo dzake,

vari gumi navaviri;

25pegumi nechisere kuna Hanani

navana vake vakomana nehama dzake,

vari gumi navaviri;

26pegumi nechipfumbamwe kuna Maroti

navanawo vake vakomana nehama dzake,

vari gumi navaviri;

27pechimakumi maviri kuna Eriyata

navanakomana vake nehamawo dzake,

vari gumi navaviri;

28pemakumi maviri nechiposhi kuna Hotiri

navanawo vake vakomana nehama dzake,

vari gumi navaviri;

29pemakumi maviri nechipiri kuna Gidhariti

navanakomana vakewo nehama dzake,

vari gumi navaviri;

30pemakumi maviri nechitatu kuna Mahazioti

navana vake vakomana nehamawo dzake,

vari gumi navaviri;

31pemakumi maviri nechina kuna Romamutiezeru

navanakomanawo vake nehama dzake,

vari gumi navaviri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help