Nziyo 49 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Upenzi hwokuvimba noupfumiMuimbisi, urwu rwiyo rwevekwaKora

1Inzwai imi mose marudzi avanhu

teererai imi vagari vapanyika.

2Imi voruzhinji nemi vakuru vakuru

imi vapfumi navarombo pamwechete.

3Muromo wangu uchataura ungwaru

zvandinorangarira mumwoyo mangu zvinonzwisisika.

4Ndicharerekera nzeve yangu kutsumo.

Ndicharapanura chirahwe changu

mukuimba kwangu nechipendani.

5Ndingatyirei zvangu pamazuva akaipa

kana uipi hwavavengi vangu

hwandikomberedza.

6Vanhu vanovimba noupfumi hwavo

vachazvikudza nokuwanda kwopfuma yavo?

7Asi hapana munhu angambogona kuzvidzikinura

kana kuripa Mwari mutengo woupenyu hwake.

8Nokuti muripo woupenyu hwomunhu mukuru

haumbofa wakakwana

9kuti arambe ari mupenyu nokusingaperi

asina kuwana kuora.

10Achatozviona kuti kunyange vangwaru vanofa.

Benzi nedununu vanoparara zvimwechetezvo

vachiisiira upfumi hwavo kuna vamwe.

11Makuva avo ndiwo achava misha yavo nokusingaperi.

Ndiyo nzvimbo yavo yokugara pazvizvarwa zvose.

Kunyange vakatumidza nyika namazita avo.

12Munhu haagoni kuramba ane

mukurumbira wake;

akangoitawo semhuka dzinoparara.

13Iwoyu ndiwo mugumo wavanhu vanozvitora;

mugumo wavanhu vanofarisa nezvavanazvo.

Dzepfunde

14Sehwai, vanotemerwa kuenda kunzvimbo yavakafa.

Rufu ruchava mufudzi wavo

vakarurama vachavatonga mangwanani chaiwo

uye muviri wavo uchadyika.

Nzvimbo yavakafa ndiyo ichava musha kwavari.

15Asi Mwari achandinunura upenyu

kusimba renzvimbo yavakafa

nokuti achandigamuchira.

Dzepfunde

16Usakatyamare zvako kana munhu akava mupfumi

kunyange mbiri yemba yake ikadhuma

17nokuti paanofa hapana chaanoenda nacho.

Mbiri yake haidziki naye ichimutevera

18nokuti kunyange zvazvo paaiva mupenyu

aizviti akakomborerwa

uye kunyange akarumbidzwa zvake

paanenge abudirira.

19Achatoenda kuchizvarwa chamadzitateguru ake

vasingazombofa vakaona chiedza.

20Munhu haagoni kuramba aine

mukurumbira wake

akangoitawo somhuka dzinoparara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help