Mateu 18 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: CHIKAMU CHINOTAURA NEZVESANGANOMukuru ndiani muumambo hwaMwari(Mak 9:33–37; Ruka 9:46–48)

1Nenguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Ndiani mukuru kupinda vose muumambo hwedenga.”

2Jesu akatora mwana akamuisa pakati pavo

3akati, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kana mukasapinduka muchiva savana vaduku hamumbopinda muumambo hwedenga.

4Ani naani wose anozvirereka somwana uyu, ndiye mukuru kupinda vamwe vose muumambo hwedenga.

5Ani naani wose anogamuchira mwana muduku akaita souyu muzita rangu anogamuchira ini.

Kufurira vamwe(Mak 9:42–48; Ruka 17:1–2)

6“Aninaani anofurira mumwe wavaduku ava vanotenda mandiri kutadza, zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe guyo mumutsipa make agonyudzwa pasi pasi pegungwa.

7Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke.

8“Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri.

9Kana ziso rako richikurasisa risvukunure urirase. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu neziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto una maziso maviri.

10“Nyatsoonai kuti hamushori mumwe wevaduku ava nokuti ndinokutaurirai kuti kudenga vatumwa vavo vanogara vachiona uso hwaBaba vangu vari kudenga.Muenzaniso wehwai yakarasika(Ruka 15:3–7)

12“Munofungei, ngatitii munhu ane zana rehwai. Imwe yadzo ikarasika, haasii here dzimwe makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dziri mumakomo achienda kundotsvaka iya yakarasika?

13Kana akaiwana, zvechokwadi ndinokutaurirai kuti anoifarira kupinda makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dzisina kumborasika.

14Saizvozvo Baba vangu vari kudenga havadi kuti mumwe wavadiki ava arasike.

Kudzora munhu anenge akanganisa

15“Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako.

16Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu.

17Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi.

18“Zvechokwadi ndinoti kwamuri, chose chamuchasunga pasi pano chichasungwawo kudenga. Uye chose chamuchasunungura pasi pano nokudenga chichasunungurwawo.

19Chimwezve chandinokutaurira, ndechokuti, kana vaviri venyu panyika pano vakawirirana kukumbira chimwe chinhu vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.

20Nokuti panenge paungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ini ndiri pakati pavo.”

Muenzaniso womuranda asina kuregerera mumwe wake

21Pita akauya akati kuna Jesu, “Tenzi hama yangu ingandikanganisire kangani ndichiiregerera; tingati kanomwe here?”

22Jesu akati kwaari, “Handikuti kanomwe asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.”

23Saizvozvo umambo hwedenga hungafananidzwe namambo akanga achida kupedzerana navaranda vake vaiva nezvikwereti naye.

24Paakatangisa kutaura nezvezvikwereti izvozvo, pakauiswa mumwe kwaari akanga aine chikwereti naye chegumi rezviuru zvemari yamatarenda.

25Nokuda kokuti akanga asingakwanisi kubhadhara, tenzi wake akati ngaatengeswe pamwechete nomudzimai wake navana nezvose zvaaiva nazvo kuti chikwereti chiripwe.

26Nezvo muranda uya akagwadama pasi achimuteterera achiti, “Tenzi ndiitireiwo mwoyo murefu. Ndichakudzorerai zvose zvazvo.”

27Tenzi womuranda uyu akamunzwira tsitsi ndokubva amuti aende zvake ndokumuregerera chikwereti chake chiya.

28Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.”

29Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.”

30Asi iye akaramba ndokuenda ondomuisa mujeri kusvikira abhadhara chikwereti.

31Vamwe vake, varandawo pamwe naye, pavakaona zvakanga zvaitika, zvakavatsamwisa kwazvo. Vakaenda vakandotaurira tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.

32Ipapo tenzi wake akamudaidza, akati kwaari, “Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti chose chiya nokuti wakanditeterera.

33Wanga usingafaniriwo here kunzwira urombo muranda pamwe newe sokukunzwira tsitsi kwandakakuitira?”

34Tenzi wake akashatirwa akamuendesa kuvarangi mujeri, “Kusvikira abhadhara chikwereti chake chose.

35Ndizvo zvichaitawo Baba vangu vari kudenga kuno mumwe nomumwe wenyu kana musingaregererani nemwoyo wose.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help