Rute 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

I: RUTE NANAOMIErimereki anotamira kuMoabhu nemhuri yake

1Mumazuva aitungamirirwa navatungamiriri vainzi vatongi kwakaitika nzara munyika yeIsiraeri. Mumwe murume wokuBheterehemu rokwaJudha, akaenda kumbondogara kunyika yeMoabhu nomukadzi wake navana vake vaviri vakomana.

2Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, vana vake vachinzi Mahironi naKirioni. Vaiva vemhuri yekwaEfurati, vokuBheterehemu rokwaJudha. Vakaenda kune rimwe dunhu reMoabhu vakamboita musha ikoko.

3Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, Naomi ndokusiyiwa aine vana vake vakomana vaviri.

4Vanakomana ivava vakaroora vakadzi vechiMoabhu. Mumwe mukadzi wacho ainzi Oripa, mumwe achinzi Rute. Vakapedza makore anenge gumi vagereko,

5ndokubva Mahironi naKirioni vazofawo. Saka Naomi akarasikirwa navana vake vakomana vaviri nomurume wake.

Naomi nomuroora wake Rute vanodzokera kuBheterehemu

6Naomi navaroora vake vakagadzirira zvokudzokera kuti vachibva zvavo munyika yeMoabhu nokuti vari munyika yeMoabhu imomo vakanzwa zvichinzi Tenzi akanga azoshanyira vanhu vake akavawanisa chokudya.

7Iye navaroora vake vaviri vakasimuka vakabva kwavaigara, vakapinda munzira vodzokera kunyika yokwaJudha.

8Asi Naomi akataurira varoora vake vaviri vaya achiti, “Zvino imi mochitodzokera zvenyu kumusha kwanaamai venyu. Tenzi ngaakuratidzei kutendeseka mwoyochena wake sezvamakaitira vakatisiya nezvamakaitawo kwandiri.

9Tenzi ngaakubatsirei kuti muroorwezve mugogara zvenyu zvakanaka mudzimba dzavarume venyu.”

Naomi akavatsvoda, ivowo vakahwihwidza kuchema

10vakati, “Aiwa, chiripo ndechokuti tinofanira kudzokerawo nemi kuvanhu vokwenyu.”

11Asi Naomi akati, “Dzokerai zvenyu vanangu, chii chamuchaenderawo neni? Munoti ndichine vana vakomana vandingabereke vokuzokuroorai here?

12Dzokerai vanangu muende zvenyu nokuti ikoku uku kutochembera kwandaita, hazvichaiti kuti ndiroorwe zvakare. Kunyange dai ndanga ndichine chitarisiro chembereko uye kunyange ndikava nomurume usiku hwanhasi ndikabereka vana vakomana,

13ndopamungazovamirira here kusvikira vakura? Ndozvamungazvimisire kuroorwa navamwe here? Kweteka vanangu, nhamo yenyu inondirwadza mumwoyo chaizvo nokuti zvenhamo yangu iyi ndiTenzi akazvida.”

14Vakahwihwidza kuchema zvakare ndokubva Oripa atsvoda vamwene vake achionekedzana navo, asi Rute akaramba angoti dzvemere navo.

15Naomi akati, “Tarira uone mukadzin'ina wako adzokera kune vokwake nokune vamwari vake. Iwe dzokerawo sezvaita mukadzin'ina wako.”

16Asi Rute akapindura achiti,

“Regai zvenyu kunditeterera

kuti ini ndikusiyei

kana kuti ndidzokere.

Kwamuchaenda ndokwandichaendawo,

kwamuchange mugere ndokwandichagarawo,

vanhu vokwenyu vachavawo vokwangu,

Mwari wenyu ndiye achavawo Mwari wangu.

17Kwamunofira ndokwandichafirawo,

ikoko ndokwandichavigwawo.

Kunyange rufu chairwo harufanire kutiparadzanisa;

kana ndadaro Tenzi ngaandione,

ngaandirege ndichiwirwa,

nezvakatoomesesa.”

18Naomi paakaona kuti Rute atsungirira kuenda naye akabva anyarara zvake.

19Saka vose vari vaviri vakaramba vachienda kudzamara vasvika kuBheterehemu. Pavakasvika kuBheterehemu, guta rose rakazevezana nezvavo. Vakadzi vaiti, “NdiNaomi here uyu chokwadi?”

20Ivo vakati kwavari, “Regai zvenyu kunditi Naomi, isvai zvenyu manditi Mara nokuti Samasimbaose akaita kuti upenyu hundiipire.

21“Ndakaenda ndakapfumawo

Asi Tenzi andidzora ndachiti dano,

ndisisina kana chinhu muchanza.

Chamunonditi Naomi, ndechipi ipapa,

kana Tenzi achindipa nhamo kudai,

kana iye Samasimbaose achitondirwadzisa kudai?”

22Ndiwo madzokero akaita Naomi kubva kuMoabhu aina Rute muroora wake wechiMoabhu. Vakasvika kuBheterehemu iri nguva yokutanga kukohwa bhari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help